Accessibility links

Breaking News

Makambani Okurudzirwa Kuona Kuti Aita Kuti Vashandi Vaongororwe Kana Vaine Coronavirus Asati Avhura


Makambani ose anoda kuvhura anonzi ari kukurudzirwa kuti atsvage zvikwanisiro zvinoita kuti vashandi vaongororwe kana vaine coronavirus vasati vatanga basa.
Makambani ose anoda kuvhura anonzi ari kukurudzirwa kuti atsvage zvikwanisiro zvinoita kuti vashandi vaongororwe kana vaine coronavirus vasati vatanga basa.

Hurumende inonzi iri kukurudzira makambani anoda kuvhura zvakare kutanga neMuvhuro kuti ange chitenga oga zvikwanisiro zvose zvinodiwa mukuongororwa kwevashandi vawo kuti vane hutachiwana here kana kuti kwete hwe coronavirus vasati vatanga basa.

Bepanhau reHerald rinoti hurumende yakati makambani aya ndiwo zvakare anotsvaga oga zvipatara zvinozovheneka pamwe nekuburitsa zvinenge zvawanikwa pamushandi wega-wega.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, Doctor Charles Mutasa, vanoti vanoona uyu uri mutoro mukuru ucharemera vemakambani vakawanda sezvo vanga vasingashande kwemasvondo ose adarika nekuda kwemutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu, kana kuti lockdown.

Doctor Mutasa vanoti hurumende yaifanirwa kuve iyo inowanisa vemakambani zvikwanisiro izvi, sezvo vashandi vachifanirwa kuongororwa zuva nezuva nekuti vanenge vakwira mabhazi pamwe nekusangana nevamwe vari munzira kuenda kumabasa.

"Ndofunga kuti hurumende yanga ichifanirwa kuita hurongwa hwakanatsoti tswikiti kana vachida kuti vanhu vatestwe. Ivo ndivo vanofanirwa kuisa ma facilities kana kuti zvikwanisiro," Doctor Mutasa vanodaro.

Vanoti hurumende inofanirwa kuve zvakare iyo inowanisa vanhu vose zvekuvharisa miromo pachena.

Hurukuro naDoctor Charles Mutasa
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti makambani ose anofanirwa kukwanisa kuita kuti vashandi vawo vaongororwe sezvo makambani aya ari kuita mari dzakawanda asi achizotadza kubata vashandi vawo zvakanaka.

VaChirumhanzu vanoti dambudziko riri muZimbabwe nderekuti makambani akawanda anongoda kuti zvese zviitwe nehurumende ivo pachavo vachitadza kuchengetedza vashandi vavo.

"Saka haandione kuti ringave dambudziko rekuti iwewe kana uchinge uri muridzi wekambani, or muri varidzi vekambani, chinokutadzisai kuti muone kuti hutano hwevanokushandirai hwakanaka chii? Ma profits amunenge muchiita mungatadzawo here kuisa a certain percentage towards welfare yevashandi venyu?" VaChirumhanzu vanobvunza.

Hurukuro naVaGadzira Chirumhanzu
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG