Accessibility links

Breaking News

Mutemo Unorambidza Vanhu Kufambafamba Wotadzisa Vanorarama neHIV/Aids Kuwana Mishonga Yavo


Sangano reCentre for Natural Resource Governance rinoti vanhu vanodarika mazana mashanu ezviuru vari kukundikana kuwana chekufambisa kuti vanotora mishonga yavo yemaARVs panguva ino yekurambidzwa kufamba kwevanhu senzira yekudzivirira kupararira kweCoronavirus.
Sangano reCentre for Natural Resource Governance rinoti vanhu vanodarika mazana mashanu ezviuru vari kukundikana kuwana chekufambisa kuti vanotora mishonga yavo yemaARVs panguva ino yekurambidzwa kufamba kwevanhu senzira yekudzivirira kupararira kweCoronavirus.

Rimwe sangano rinorwira kodzero dzevanhu, reCentre for Natural Resource Governance, rinoti vamwe vanorarama nehutachiwana hweHIV vagere kumaruwa ari kure vari kukundikana kuenda kunzvimbo dzehutano dzavanositorera mishonga yavo yemaARVs.

Mukuru wesangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti vanhu vanodarika mazana mashanu ezviuru vanorarama nehutachiwana hweHIV/Aids vari vari kumaruwa vari kukundikana kuwana chekufambisa kuti vanotora mishonga yavo panguva ino yekurambidzwa kufamba kwevanhu senzira yekudzivirira kupararira kweCoronavirus.

VaMaguwu vanoti izvi zviri kukonzerwa nemutemo wakadzikwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, unorambidza vanhu kufambafamba kwemazuva makumi maviri nerimwe, senzira yekudzivirira kupararira kwehutachiwana hwe coronavirus.

Vanoti matunhu avawana nyunyuto iyi anosanganisira reMutasa kuManicaland pamwe neHwange kuMatabeleland North.

VaMaguwu vanoti mabhazi ari kubvumidzwa kufamba chete munguva yemushanda kwemutemo wekurambidza vanhu kufambafamba ndeehurumende eZUPCO, ayo vanoti haasvike kunzvimbo dzakawanda dzine vanhu vane matambudziko ava.

Sangano reNational Aids Council rakazivisa svondo rapera kuti riri kukurudzira vanorarama nehutachiwana vose kuti vange vaine mishonga yemwedzi mitatu munguva ino yekusafamba kwevanhu kuitira kuti vange vakazvidzivirira zvakakwana.

VaMaguwu vanoti sesangano, vanoona sekuti hurumende yaifanirwa kushanda nemasangano akazvimirira oga, uyewo kuti iendese mishonga iyi munzvimbo dziri kumaruwa idzi dzakaita sezvikoro nemakiriniki kuitira kuti vanhu ava vakwanise kuwana mishonga yavo pedyo.

Hurukuro naVaFarai Maguwu
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG