Accessibility links

Breaking News

ConCourt Inoti Kushanda kweVachuchisi Vari Muchiuto neChipurisa Hazvisi paMutemo


Constitutional Court
Constitutional Court

Dare reConstitutional Court rapa neChipiri mutongo wekurambidza bazi remuchuchusi mukuru wehurumende, reNational Prosecuting Authority, kushandisa vechiuto kana mapurisa sevachuchusi mubazi iri sezviri kutika pari zvino, richiti izvi hazviendarane nebumbiro remitemo yenyika.

Mutongo uyu waturwa zvichetevera nyaya yakakwidzwa nesangano reZimbabwe Law Officers Association pamwe nevaimbove muchuchusi, VaDerek Charamba, makore mashanu apfuura.

Mumutongo wavo wakatsinhirwa nevamwe vatongi vese vedare iri, Justice Antonia Guvava vati kupinza vachuchusi vechiuto kana vanobva kuZimbabwe Republic Police kunopokona neSection 208 (4).

Pavakakwidza nyaya yavo kudare VaCharamba nevamwe vakati mapurisa nemauto haafaniri kuchanda sevachuchusi munyika ine hutongi hwejekerere.

Justice Guvava vapa National Prosecuting Authority makore maviri kuti imise basa vachuchusi vechipurisa nechiuto.

VaCharamba vaudza Studio 7 kuti mutongo uyu unoenderana nezvavagara vachitaura kuti pari kutyorwa mutemo.

Gweta raVaCharamba nevamwe vavo, VaTonderai Bhatasara, vati kunyange hazvo vanhu vavange vachimirira vasiri kufara nenyaya yekuti hofisi yemuchuchisi yapihwa makore maviri kuti imise basa mauto nemapurisa, vanoona sekuti dare ratora danho iri kuitira kuti risakanganise basa mumashandiro ematare umo munonzi mune mapurisa nemauto akawanda ari kushanda nevachuchusi.

Mune imwewo nyaya, dare remakurkota ratambira hwaro kwekusandura mutemo wePublic Order and Security Act kuti uenderane nebumbiro remitemo yenyika.

Vachitaura vevatori venhau mushure memusangano uyu, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vati pave kuzonyorwa mutemo mutsva weMaintancne of Peace and Order Bill.

Gurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, vati imwe yeshanduko yave kuuya ndeyekuti kana mauto akabatsira mapurisa pamhirizhonga, mutungamiriri wenyika anosungirwa kunotsanangura kuparamende mukati memazuva manomwe.

Dare iri ratambirawo hwaro hwemabhiri eFreedom of Information Bill, neProtection of Personal Information Bill ayo ari kuuya mushure mekuparadzwa kwemutemo weAccess to Information and Protection of Privacy Act kana kuti AIPPA.

Amai Mutsvangwa vatiwo dare ravo razeya nyaya dzakawanda dzinosanganisira kuti kambani yeLiquid Telecoms ichange yave kupa mukana kuvadzidzi vezvikoro zvepamusoro munyika kuti vaende pamadandemutande avanoda pachena pamwe nekuvakwa kwechikoro chevarapi kuNational University of Science and Technology kuBulawayo neBancABC.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG