Accessibility links

Breaking News

MDC-T neZanu-PF Dzopesana paKuvandudzwa kweBumbiro reMitemo


VaGodfrey Chidyausiku
VaGodfrey Chidyausiku

Komiti yedare reparamende inoona nezvemitemo iri kutanga nemusi weChishanu kunzwa pfungwa dzevanhu panyaya yekuvandudzwa kekutanga kwebumbiro remitemo, kana kuti Constitutional Amendment Bill Number One.

Kuvandudzwa uku kwakanangana nenyaya yekudomwa kwemukuru wevatongi vematare kana kuti “Chief Justice.

Kutanga neChishanu dare reparamende richasangana nevanhu muma senate chambers muHarare, komiti iyi yozoenda kuGweru Civic Centre, kuGwanda-Jahunda Community Hall, Lupane Community Hall, Iminyela Hall- Bulawayo, Edmund Davis Hall Hwange, Masvingo Civic Centre, Mbuyanehanda Hall kuMarondera, Mt Darwin Sports Club, Cooksey Hall Chinhoyi vozopedzra kuQueens Hall kwaMutare.

Hurumende, ichitungamirwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanovazve gurukota rezvemitemo, vanoti mutemo unofanira kuvandudzwa kuitira kuti mutungamiri wenyika oga adome mutongi mukuru wematare.

Mutemo pari zvino unoti Judiciary Services Commission,JSC, inobvunzurudza vanenge vachida basa iri yozoendesa mazita matatu kumutungamiri wenyika. Izvi ndizvo zvange zvichiitwa neJSC, izvo zvakatsigirwa nedare repamusoro soro.

VaMnangagwa vainge vachida kuti JSC imire kuita izvi asi dare repamusoro soro rakati kana mutemo usina kuvandudzwa hapana chingamisa JSC kuenderera mberi nekusarudza mumwe mutongi mukuru wematare sezvo VaGodfrey Chidyausiku vave kusiya basa mukupera kwemwedzi uno.

Mazita akaendeswa kuna VaMugabe neJSC anoti emutevedzeri waVaChidyausiku, VaLuke Malaba, Amai Rita Makarau, uye Justice Paddington Garwe.

Nhengo yeZanu-PF uye vari sachigaro wekomiti inoona nezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, vanoti bumbiro remitemo rinofanira kuvandudzwa.

Vanokokera MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai mudare reparamende, VaInnocent Gonese, vanoti bumbiro remitemo harifanire kuvandudzwa nekuti munhu mumwe chete, angave mutungamiri wenyika, haafanire kuita simba rakawandisa.

Hurukuro naVaInnocent Gonese naVaZiyambi Ziyambi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG