Accessibility links

Breaking News

VaConstantino Chiwenga Vanoburitsa Bhuku Ravo Rinoshora Sangano reUnited Nations


VaConstantino Chiwenga
VaConstantino Chiwenga

NeChitatu, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakaita mabiko emanheru ekuparura zviri pamutemo bhuku rakanyorwa neumwe wevatevedzeri vavo, VaConstantino Chiwenga, avo vachangodzoka kubva kuChina kwavakange vaenda kunorapiwa.

Bhuku iri, iro rinonzi “Goose Or Gander: The United Nations Security Council And The Ethic Of Double Standards,” rinonzi rakabuda muongororo yakaitwa naVaChiwenga pavakange vari mudzidzi kuti vapihwe gwaro repamusoro, kana kuti dhigiri, re Ph.D, kubva ku University ye KwaZulu Natal kuSouth Africa.

Mabiko aya akaziviswa paTwitter nemunyori mubazi rezvekubudiswa kwemashoko, VaNick Mangwana, avo vakashambadza pamusoro pemabiko aya emusi weChitatu manheru.

Bhuku raVaChiwenga rinoshora zvikuru sangano reUnited Nations, richiripomera mhosva yekuita zvinhu risingaenzanisi.

Vanodzidzisa kutapiwa kwenhau pa Indiana University, mudunhu re Pennsylvania, Muzvinafundo Stan Mukasa, vanoti matauriro, hupenyu nemagariro aVaChiwenga atinoziva hazviratidzi pfungwa dzingabudisa gwaro, kana kuti dhigiri, repamusoro iri, vachiti pane mutauro wakafanana ne wakambotaurwa mushure mekupihwa dhigiri repamusoro rakadai kuna Amai Grace Mugabe.

Muzvinafundo Mukasa vanoti panofanirwa kuitwa ongororo yekuti sei zvikoro zvinozivikanwa zvichipa magwaro edzidzo yepamusoro akadai kuvanhu vanozivikanwa kuti havangakwanisi kuawana pachavo.

Taedza kubata vanoona nezvekubudiswa kwemashoko mubato reZanu-PF, VaTafadzwa Mugwadi, tikatadza.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG