Accessibility links

Breaking News

ZCTU Inoronga Kuratidzira Pamusoro Pemitero Mitsva


Mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa
Mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa

Sangano rinomiririra vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, rinoti mitero yakadzikwa nehurumende svondo rapera inofanirwa kubviswa nechimbi chimbi kana kuti vashandi vacharatidzira.

Gurukota rinoona nezvemari VaMthuli Ncube vakazivisa svondo rapera kuti vanhu vanenge vobhadhara masendi maviri padhora rega rega kana vachisnadisa makadhi ekumabhanga.

Mutungamiri wesangano iri, VaPeter Mutasa, vaudza Studio 7 kuti kana hurumende ikarega kubvisa mitero iyi, sangano ravo richaratidzira nemusi weChina, vachitzve vakagadzirira kuvhara makambani nemaguta kusvika hurumende yabvisa mitero iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG