Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yoronga Kuratidzira Kune Mutsindo Munyika Yose


VaJaphet Moyo veZCTU.
VaJaphet Moyo veZCTU.

Sangano rinomiririra vashandi, reZimbabwe Congress of trade unions, ZCTU, rinoti ririkuronga nemadzisahwira aro kuratidzira kunotyisa munyika yose senzira yekuratidza hurumende zvinyunyuto zvaro.

ZCTU inoti vanhu vacharamwa mabasa senzira yekuudza hurumende kuti igadzirise zvichemo zvevashandi pamwe nezviri kuomera veruzhinji munyika.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vaudza Studio 7 kuti hurongwa uhu hwave pedyo uye ZCTU ichataura mazuva achaitwa hurongwa hwavo kana vachinge vapedza hurukuro dzavari kuita nemamwe masangano ane zvichemo zvakafanana nezvavo.

“Taida kuratidzira sevashandi; hatina kubudirira kuita zvataitarisira kuita asi hurongwa ihoho hauna kumira ipapo pakasungwa vatungamiriri nenhengo dzesangano redu,” VaMoyo vaudza Studio 7. “Inyaya irikugadzirwa ikozvino. Hatisati tave nezuva rekuti tirikupinda rini mumigwagwa asi pane hurongwa hwakadaro hwuri kuitwa neZCTU.”

Muna Gumiguru, ZCTU yakaratidzira vatungamiriri vayo vazhinji vakasungwa.

VaMoyo vanoti zvavaida pakuratidzira uku hazvina kuwanikwa asi vari kuronga kumwe kuratidzira kukuru kunyange hazvo vamwe vatungamiriri vesangano ravo vachine nyaya dzisati dzatongwa kubva pakuratidzira kwavakaita muna Gumiguru.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG