Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Voenderera Mberi neKuchema Kushaya kweMurwiri weKodzero, VaDewa Mavhinga


VaDewa Mavhinga

Nyanzvi dzezvehutano dzinonzi dziri kuronga kuita ongororo kana kuti postmortem chero nguva kubva nhasi yekutsvaga chakauraya murwiri wekodzero ane mukurumbira uye vaive mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, avo vakashaya neMugovera vari muSouth Africa.

Mumwe wemhuri ane ruzivo nezvri kuitika audza Studio 7 danho iri rinogona kuitwa neMuvhuro kana kuti neChipiri, shure pezvo mutumbi wavo wozotarisirwa kutakurwa kuenda kumusha uko vanotarisirwa kuzoradzikwa.

Izvi zviri kuitika panguva iyo vemasangano akasiyanasiyana akashanda pamwechete naVaMavhinga vari kutaura pamusoro pekurasikirwa kwavo nekushaya kwegamba rekodzero dzevanhu iri.

Mumwe wevari kuchema kushaya kwaVaMavhinga ndaVaDenis Juru, vanove mutungamiri wesangano revanorarama nekutenga pamwe nekutenga kunze kwenyika, reInternational Cross Border Traders Association.

VaJuru vanoti kushaya kwaVaMavhinga ipfumo rakabaya vanhu vakawanda pamwoyo sezvo vakanga vari munhu akanga achibatsira vamwe asingatarise kuti wabuda mumba maani uye vakanga vasiri munhu aitarisa matambudziko ezvizvarwa zveZimbabwe chete, asi kuti nezvekune dzimwe nyika dzakaita seEswathini, uko vanoti vanga vachibatsira zvikuru.

VaMavhinga vakashaya vave nemakore makumi mana nemaviri ekuberekwa, uye vakasiya mudzimai nevana vana.

Hurukuro naVaDenis Juru
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG