Accessibility links

Breaking News

Dare reConCourt Rinoti Kuwedzerwa kweNguva yaVaMalaba Vari paBasa Kuri Pamutemo


Zimbabwe elections
Zimbabwe elections

Dare repamusorosoro reConsitutional Court nhasi rarasa mutongo weHigh Court wakaendesa mukuru wevatongi vematare edzimhosva munyika, Justice Luke Malaba, pamuduandigere richiti vainge vasvika makore makumi manomwe.

Vachitura mutongo wavakanyora ivo naJustice Bharat Patel, uye ukatsigirwa nevamwe vatongi vedare iri, Justice Rita Makarau vati mutongo wakaturwa neHigh Court muna Chivabvu une chekuita nekusandura bumbiro remitemo nekudaro usati watanga kushanda unofanira kusimbiswa neConstitutional Court.

Justice Makarau vati dare ravo harina kusimbisa mutongo uyu nekudaro rarasa mutongo wakatarwa muna Chivabvu.

Mutongo wanhasi unoreva kuti VaMalaba vava kuendererera mberi nebasa semukuru wevatongi wematare edzimhosva zvichitevera kuwedzerwa kwenguva yavo pabasa nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vakashandisa bumbiro remitemo, Constitutional Amendment Number 2 Act kuita izvi.

Zvichitevera mutongo weHigh Court mumwe mugare wekuBulawayo VaMax Mupungu vakaenda kuConstitutional Court vachipikisa mutongo uye.

Gweta raVaMupungu, VaLovemore Madhuku, vati mutongo wanhasi unoreva kuti VaMalaba havana kumbogara vaenda pamuduandigere uye ndivo vachiri mukuru wevatongi vematare edzimhosva munyika.

Zvichitevera mutongo wakaitwa naJustice Happias Zhou, Justice Edith Mushore naJustice Helena Charehwa, VaMalaba pamwe negurukota rezvemutemo, vakapikisa mutongo uyu kuSupreme Court izvo zvakaita kuti VaMalaba vadzoke pabasa vachimirira kuti nyaya yavo inzikwe mudare iri.

Asi VaMadhuku vati mutongo wanhasi wauraya nyaya dzose dziri kuSupreme Court.

Justice Zhou nevamwe vavo vakatura mutongo wavo muna Chivabvu mushure mekunge Zimbabwe Human Rights NGO Forum pamwe nesangano rinomirira magweta echidiki reYoung Lawyers Association of Zimbabwe vaenda kudare iri vachipikisa kuwedzerwa kwenguva yaVaMalaba vari pabasa naVaMnangagwa vachishandisa Constitutional Amendment No 2 Act.

Mukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum, Dr Musa Kika, vaudza Studio7 kuti vachazopa pfungwa dzavo kana vachinge vawana mutongo uzere.

Vachinyora padandemutande ravo reTwitter, munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vati VaMnangagwa vainge vasina kukanganisa apo vakawedzera nguva yaVaMalaba pabasa.

Vachipa pfungwa dzavo, nyanzvi munyaya dzezvemutemo Doctor Alex Magaisa vati havana kushamisika nemutongo uyu nekuti vatonga vane chouviri pazviri.

Vatiwo havo dzimwe nyaya dzakakwidzwa kumatare dzinofanira kuti dzitongwe nedare iri.

Kunyange hazvo dare rapa mutongo uyu une chekuita neConstitutional Amendment Number 2, dare iri harisati rapa mutongo pamusoro pennyaya yakakwidzwa kudare iri negweta rekuBulawayo, VaNqobani Sithole, vachipikisa Constitutional Amendment Number 1.

VaSithole vakapikisa kutambirwa kwakaitwa Constitutional Amendment Bill Number 1, iro rakapa hwaro hwekuti Constitutional Amendment Bill Number 2 riumbwe, vachiti bhiri rekutanga rakaitwa nenzira dzinotyora bumbiro remitemo yenyika.

Dare reConstitutional Court harisati rapa mutongo waro panyaya iyi kunyange hazvo mahofisi ehurumende, kusanganisira emutungamiri wenyika, dare reNational Assembly nedare reSenate, akapihwa zviri pamutemo magwaro ekupikisa bhiri iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG