Accessibility links

Breaking News

Vatongi veDare rePamusorosoro Vanoramba Kubva paNyaya Inobata VaMalaba


Zimbabwe Elections
Zimbabwe Elections

Vatongi vedare repamusoro soro, reConstitutional Court, nhasi varasa chikumbiro chaVaMusa Kika veHuman Rights NGO Forum chekuti vazvibviswe pakunzwa chikumbiro chaVaMax Mupungu, chekuti dare iri rirase mutongo wedare reHigh Court uyo wakati Chief Justice Luke Malaba vaende pamudyandigere muna Chivabvu.

Vatongi vedare iri vachitungamirwa nemutevedzeri wemukuru wevatongi munyika, Justice Elizabeth Gwaunza, varasa chikumbiro ichi asi havana kupa zvikonzero vachiti vachaita izvi apo vachatura mutongo wavo uzere panyaya iyi.

Muchidimbu chemutongo wavo, Justice Gwaunza vati nyaya yaVaMupungu yave kuzonzikwa nemusi weChishanu

Rimwe remagweta ange achimirira VaKika nevamwe vavo, VaNoble Chinhanhu, vaudza Studio 7 kuti vachagara pasi naVaKika vachipangana mazano.

VaKika vange vari kuda kuti vatonge vese VeConstitutional Court vazvibvise panyaya iyi sezvo vakadomwa panyaya iyi kuHigh Court uye vakapikisawo mutongo wedare iri kuSupreme Court.

Gweta raVaMupungu, VaLovemore Madhuku, vati vafara kuti chikumbiro chekuti vatongi vasanzwe nyaya iyi charaswa.

VaMupungu vakakwidza chikumbiro chavo kuConstitutional Court mushure mekunge vatongi vatutu vedare reHigh Court, vachitungamirirwa naJustice Happias Zhou, vapa mutongo wekuti VaMalaba vaenda kumudyandigere sezvo vainge vasvitsa makore makumi manomwe ekuzvarwa.

Mutongo uyu, wakapihwa zvisinei nekuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vainge vawedzera nguva yaVaMalaba pabasa vachishandisa simba ravonipihwa neConstitutional Amendment Number 2 Act.

Asi sangano re Law Society of Zimbabwe riri kupikisa mitemo yeConstitutional Amendment Number 1 ne Number 2 richiti yakaitwa nenzira dzinotyora bumbiro remitemo yenyika.

Zvichitevera mutongo weHigh Court, VaMalaba, vatongi veConstitutional Court neSupreme Court, mutungamiriri wenyika, gurukota remutemo pamwe neJudicial Service Commission vakapikisa mutongo uyu kuSupreme Court izvo zvakadzora VaMalaba pabasa.

Nyaya iyi nedzimwe dzaVaMalaba dziri pamberi peSupreme Court hadzisati dzanzikwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG