Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheCovid-19 Chotemesa Nyika Musoro Kusanganisira Vagere kuMaruwa


Vamwe vagiri vekuMasvingo votadza kutevedzera kurudziro yekuti vasaungane senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19
Vamwe vagiri vekuMasvingo votadza kutevedzera kurudziro yekuti vasaungane senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19

Hurumende inoti yave kushushikana zvikuru nehuwandu hwevanhu vave
kubatwa nechirwere cheCovid-19 kumaruwa.

Izvi zvinotevera kukwira kuri kuita vanhu vari kubatwa nechirwere ichi mumatunhu masere anobata vanhu vanogara kumaruwa.

Matunhu aya anoti Mashonaland West, Mashonaland Central, Mashonaland East, Manicaland, Midlands, Masvingo, Matabeleland North neMatabeleland South ave nevanhu zviuru zvesere nezana nemakumi masere vabatwa nechirwere ichi, kana kuti 8,180.

Matunhu aya ane vanhu zana nemakumi mashanu nemumwe chete, kana kuti 151 vafa nechirwere ichi, kubva pavanhu mazana mana nemakumi matatu nemumwe chete vafa munyika yose, vazhinji vavo, mazana maviri nemakumi masere, vanhu vanhu vakafira muBulawayo neHarare.

Matunhu ekumaruwa ane vanhu vakawanisa vabatwa nechirwere ichi anoti Masvingo, Mashonaland West neMatabeleland North.

Mukuru mubazi rezvehutano mudunhu reHurungwe kuMashonaland West, Dr Frankson Masiye, vanoti vave kuwana vanhu vakawanda vari kurwara nechirwere cheCovid-19 kubva kunzvimbo dzekumamisha idzo dzaisave nevanhu vanorwara nechirwere ichi pachakatanga.

Dr Masiya vanoti ongororo yakaitwa inoratidza kuti vanhu vari kumamisha havapfeke mamasiki nguva dzose uye havana basa nekugara vari kure nekure sezvin kurudzirwa nevezvehutano.

Dr Masiye vanoti vari kukurudzira vanhu kuti vagare kudzimba kunyange
vari kumamisha sezvo pachisina nzvimbo inonzi haina chirwere cheCovid-19.

Dunhu reMashonaland West rine vanhu mazana mapfumbamwe nevavashanu vakabatwa nechirwere ichi, uye vanhu mnakumi maviri vafa nechirwere ichi zvichitevera kufa kwevanhu vatatu nezuro mudunhu iri.

Mukuru mubazi rezvehutano mudunhu reMasvingo, Dr Amadeus Shamu
vabvuma kuti pane kuwanda kwevanhu vari kubatwa nechirwere
cheCovid-19 asi vati pari zvino havana manhamba acho sezvo
vachiapihwa ari edunhu rose.

Asi bazi rezvehutano rakazivisa neChitatu manheru kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi muMasvingo hwanga hwava pavanhu mazana mapfumbamwe nemakumi maviri nevaviri zvichitevera kubatwa kwevanhu makumi mashanu nechirwere ichi musi uyu, uye dunhu iri rave nevanhu gumi nevasere vafa nechirwere ichi.

Mumwe chiremba wemudunhu reMashonaland Central uyo asina kuda kuzivikanwa nezita sezvo anga asati apihwa bvumo yekutaura nevatori venhau, anoti huwandu huri kuwanda asi zvakaoma kupatsanura vari kugara kumaruwa nevemudhorobha sezvo vose vanorwara vari kumamisha vachiendeswa kuzvipatara zvemumadhorobha kana varwarisa.

Dunhu reMashonaland Central rava nevanhu mazana matanhatu nemakumi matanhatu nevasere vabatwa neCovid-19, zvichitevera kubatwa kwevanhu makumi matatu nevatanhatu nezuro.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vaimbove gurukota rezvehutano
muhurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vanoti kubatwa kwevanhu kumaruwa hakushamise sezvo vanhu vakawanda vakafamba kubva kumadhorobha nekunze kwenyika.

Dr Madzorera vanoti kuvharwa kwakaitwa nyika kwemazuva makumi matatu hakuyamure zvakanyanya kana vanhu vakasaongororwa.

Zimbabwe yave nevanhu zviuru gumi nezvinomwe nemazana masere nevana, kana kuti 17, 804 vabatwa nechirwere ichi, zvichitevera kubatwa nemusi weChitatu kwevanhu mazana matanhatu negumi, kana kuti 610.

Vanhu vapora munyika yose vava zviuru zvinomwe nemazana mapfumbamwe nemakumi matanhatu nevatanhatu, kana kuti 11, 966 zvichitevera kupora kwevanhu zana nemakumi mashanu nevatatu nezuro wakare.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG