Accessibility links

Breaking News

Vanofamba neMabhazi neMakombi Votyira Kutapurirwa Coronavirus


Corona Virus Buses
Corona Virus Buses

Veruzhinji vanofamba nemabhazi pamwe nemakombi anotakura veruzhinji vanoti kumanikidzana kwavanenge vakaita mumabhazi kuri kuvapinza panjodzi yekubatira chirwere cheCoronavirus icho chakatekeshera munyika dzakawanda pasi rose.

Kunyange hazvo chirwere ichi chichinzi hachisati chapinda muZimbabwe, hurumende inoti iri kuita gadzirio yakasimba kuitira kuti veruzhinji vasatapurirane chirwere ichi kana chikazopinda munyika.

Pamusika weMbare panga paine vanhu vashoma nhasi vanga vachikwira mabhazi anoenda nzendo refu pamwe nemaZupco anoenda mumisha inogara veruzhinji muno mudhorobha reHarare.

Vamwe vevanga vachikwira mabhazi eZupco, Amai Sinikiwe Nyamadzawo, vati kumanikidzana kwavanenge vakaita mumabhazi, vamwe vakamira mumabhazi umu vasina pekugara kuri kuvaisa panjodzi yekubata chirwere che Coronavirius sezvo vanhu vanenge vachingofemerana vasina zvekuvharisa miromo kana mhino dzavo, kana kuti ma mask.

Amai Nyamadzawo vati chimwewo chinonetsa ndechekuti pazviteshi zvinokwirirwa maZupco nemakombi hapana kushambidzika sezvo pasina zvekugezesa uye mumabhazi nemumakombi aya hamuna mishonga yekupfapfaidza zvinoita kuti vasazobatira zvirwere.

Mumwewo anga achikwira mabhazi anoenda kuSouth Africa paRoadport, Amai Acqueline Augustine, avo vati vanogara kuKuwadzana, vati mabhazi anoenda nzendo refu arinani pakuzara zvavanoti zvonoderedza mikana yekutapurirana zvizverwe zvakaita seche Coronavirus.

Asi mumwe mutyairi wemabhazi anoenda kuSouth Africa, VaTonderai Kusekwa, vaudza Studio 7 kuti vanhu vari kuramba vachienda kuSouth Africa misi nenguva sezvo vanhu vazhinji vari kuedza kutsvaga zvingararamisa mhuri dzavo mhiri kwaLimpopo.

VaKusekwa vati huwandu hwevanhu vavari kutakura kuenda kuSouth Africa nemabhazi hwadzikira kubva pakapinda chirwere che Coronavirus muSouth Africa vachiti vanokurudzira vose vavanenge vakatakura kuti vageze maoko pavanopinda mumabhazi avo pamwe nepavanosvika pamiganhu yenyika.

Munyori mukuru musangano reUnited Commuter Operators of Zimbabwe, VaSimbarashe Ngarande, vaudza Studio7 kuti vari kushanda zvakasimba kuti vatsvage nzira dzekuti vanofamba nemotokari dzinotakura veruzhinji vashandise mari yebepa kana ma coins pakufamba senzira yekuderedza mukana wekuti vasatapurirane zvirwere zvakaita seche Covid-19.

Munyori anowona nezvekutakurwa kwezvimhu mubato reMDC uye vari nhengo yeparamende inomirira Kwekwe Central, VaSettlement Chikwinya, vakurudzira hurumende kuti ipe dzidziso yezvehutano kuvatyairi vemabhazi nekuvapa zvinovadzivirira mukutapuriranwa kwehutachiwana hweCoronavirus.

VaChikwinya vati hurumende inofanira kutora matanho akasimba kuti vose vanopinda nepamiganhu yenyika vavhenekwa vose.

Munyori mukuru mubato rinopikisa reAfrican Development Party, VaBryn Negomo Murape, vakurudzirawo kuti mabhazi anotakura veruzhinji ange achipfapfaidzwa nguva dzose nemishonga uye vemabhazi vange vaine zvikwanisiro zvekuti vanokwira mabhazi vange vachishandisa munyaya dzehutsanana.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu, VaJoel Biggie Matiza, kuti tinzwe kuti matanho ari kutorwa nebazi ravo ndeapi kuitira kuti veruzhinji vanofamba nemabhazi nemakombi vasabatwe nezvirwere zvakaita secheCoronavirus kana chichinge chazopinda munyika.

Asi gurukota rezvehutano, VaObediah Moyo, vati hurumende iri kuedza nepose painogona napo kupa vanhu dzidziso yekuzvidzivirira kuchirwere che Coronavirus uye iri kusimbaradzawo nyaya dzekuvhenekwa kwevanhu vanopinda munyika vachishandisa nhandare dzendege pamwe nemiganhu yenyika.

Zvichakadai, mashoko aburitswa nemutauriri wekambani yendege ye South African Airways, VaTlali Tlali, anoti kambani iyi yakanzura kufamba kwendege dzayo kuenda kune dzimwe pasi rose kusanganisira Zimbabwe kubva mangwana kusvika mukupera kwaChivabvu uye kambani iyi yati ndege dzayo dzichange dzichibhururuka muSouth Africa chete zvichitevera matanho akatorwa nehurumende yeSouth Africa ekuedza kurwisana nechirwere cheCoronavirus.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri weCivil Aviation Authority of Zimbabwe, Amai Anna Hungwe, kuti tizive kuti pane dzimwe ndenge dzakanzura kumhara muZimbabwe here sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo pamwe nekupindura mibvunzo yatavatumira.

Asi mashoko atiri kutambira anoti ndege yeEmirates yakagumisira kupinda muZimbabwe nezuro, ukuwo Rwanda Air inonzi yatanga nhasi kusapinda muZimbabwe nepamusana pekutyira chirwere cheCoronavirus.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG