Accessibility links

Breaking News

Kukwidzwa kweMafuta eDzimotokari Kwoburitsa Makombi Mumigwagwa


Vemakombi vakawanda vanonzi vave kumanikidzwa kubuda mumugwagwa nekuda kwekukwira kwemutengo wemafuta edzimotokari.

Vemichovha inotakura veruzhinji vakawanda vanonzi vamanikidzwa kubuda mumugwagwa nekuda kwemutengo wemafuta wakakwidzwa zvakare mukupera kwesvondo, izvo zvita kuti vaswere vakapaka dzimotokari dzavo.

Mutauriri wesangano revemabhazi anotakura vanhu, reChitungwiza Commuter Omnibus Operators Association, VaFarai Muza, vanoti kukwidzwa kwemafuta uku kwakamanikidza vemichovha kukwidzawo zvakapetwa kazana mari dzinoripirwa nevanofamba nemabhazi avo.

Asi VaMuza vanoti veruzhinji vari kutadza kubhadhara mari dzinodiwa nevemakombi nemabhazi idzi, izvo zvave kupa kuti vapedzisire vomhanyira kumabhazi eZupco ayo akachipa.

Semuenzaniso, makombi anoenda kuChitungwiza anonzi akwira kuenda kumadhora ari pakati pemanomwe negumi, kubva pamadhora ari pakati pemashanu nemanomwe.

Zimbabwe Energy Regulatory Authority yakakwidza mutengo werita redhiziri kubva pamadhora gumi nemaviri ane masendi makumi mana nemaviri kuenda pamadhora gumi nemashanu ane masendi makumi matanhatu nemana.

Peturu yakakwidzwawo kubva pamadhora gumi nerimwe nemasendi makumi manomwe nematanhatu kuenda pamadhora gumi nemana ane masendi makumi mapfumbamwe nemasere.

Mafuta ekufambisa dzimotokari ari kukwira svondo roga roga, izvo zviri kuitawo kuti mitengo yezvinhu ikwirewo svondo roga roga.

VaMuza vanoti vamwe vave kutomanikidza kutyaira vega dzimotokari dzavo kuitira kuti vasabhadhare vashandi.

Hurukuro naVaFarai Muza
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG