Accessibility links

Breaking News

Vakuru veNhepfenyuro dzeMatunhu Voisa Zvichemo Zvavo Kuna VaMnangagwa


Zimbabwe New President

Nhepfenyuro dzemumatunhu dziri kusangana muHarare kuti dzibude negwaro rekuendesa kuhurumende yaVaEmmerson Mnangagwa vachiiudza kuti ivape marezenisi pamwe nekusandura kana kubvisa mitemo inombunyikidza vatori venhau pamwe nekuvhiringa kufambiswa kwemashoko.

Vakaronga musangano uyu, veZimbabwe Association of Community Radios Stations, kana kuti ZACRAS, vanoti varonga musangano uyu kuti vaone kuti vangataure sei nehurumende yaVaMnangagwa, iyo iri kuratidza kuti inoda kunzwa kubva kuvanhu nemasangano akasiyana siyina kuti nyika ingafambira mberi sei.

Mukuru weZACRAS, Muzvare Vivienne Marara, vaudza Studio7 kuti vanotarisira kuti nhengo dzesangano ravo dzipihwe marezenisi uye dzinokwanisa kutoenda pamhepo kana izvi zvikaitika.

Mukuru wenhepfenyuro yeVoice of the People, VaJohn Masuku, avo vari mumusangano uyu, vanoti vanotarisira kuti pachave nekutaurirana kwakanaka pakati pavo nehurumende itsva nenhepfenyuro dzematunhu.

VaMasuku vanoti nhepfenyuro dzemumatunhu dzinoburitsa nyaya dzinoitika muvanhu idzo dzisingabude munhepfenyuro dzinotepfenyura munyika kana pasi rese.

Mukuru weKumakono Community Radio Station yekwaMutare, Muzvare Evidence Chenjerai, vaudza Studio7 kuti vanotarisira kuti hurumende yaVaMnangawa ichagadzirisa dambudziko ravo guru rekushaya rezenisi.

Mumwe mutapi wenhau anoshanda akazvimirira, Sofia Mapuranga, anoti kuvhura nhepfenyuro dzekumatunhu kunoitawo kuti pave nemabasa kuvatapi venhau munyika.

Hurumende yaVaMugabe yaitsika tsika panyaya yekupa marezenesi kunhepfenyuro dzematunhu uye yaiti nhengo dzeZACRAS dzaipihwa mari nenyika dzaironga kubvisa hurumende yavo pachigaro.

Asi VaMasuku vati zvakabuda pachena kuti vange vasina chinangwa chekubvisa hurumende iyi pachigaro sezvo yakazobviswa nevanhu vemuno, vechiuto vaitove murumende yacho.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG