Accessibility links

Nhepfenyuro dzemumatunhu dzakaita chisungo svondo rino chekutanga kutepfenyura pamadandemutande akaita seFacebook nemamwe dzakamiriria kuti hurumende yaVaMnangagwa idzipe marezenisi.

Vachitaura pakupera kwemusangano wenhepfeunyuro idzi muHarare, mukuru wesangano reZimbabwe Association of Community Radio Stations, Muzvare Vivienne Marara, vanoti vakaita chisungo ichi sezvo vane chevimbo chekuti hurumende yaVaMnangagwa ichavapa marezenisi.

Muzvare Marara vanoti semaonera avo hurumende yaVaMnangagwa inenge inoda kusiyanisa maitiro ayo nehurumende yaVaRobert Mugabe iyo yange isingade kupa marezenisi kunhepfenyuro dzematunhu.

Vanoona nezvekufambiswa kwebasa musangano reMedia Alliance of Zimbabwe, VaNigel Nyamutumbu, vaudza Studio 7 kuti vafara chose nedanho ratorwa nenhepfenyuro dzematunhu.

Mumwe mugari wemuHarare, Amai Rumbi Mapfumo, vanoti vanotsigira danho renhepfuro idzi vachiti havasi kufara nenhepfenyuro dziripo pari zvino.

Vanomirira Mabvuku muparamende zvakare vari nhengo yekomiti inoona nezvekuburitswa nekufambiswa kwemashoko, VaJames Maridadi, vaudza Studio 7 kuti zvinonyadzisa kuti hurumende yeZimbabwe inotadza kutevedza mutemo wayo wekuti ani nani anoda kutepfenyura anofanira kupihwa rezenisi.

Bumbiro remutemo wenyika rinopa mukana wekuti wese anoda kutepfenyura apihwe rezenisi asi, hurumende yaivepo yaVaMugabe, haina kusunungura masaisai.

Sangano reZACRAS rine nhepfenyuro dzematunhu makumi maviri nembiri uye hapana kana imwe yadzo ine rezenesi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG