Accessibility links

Breaking News

Zuva reNhepfenyuro Rinocherechedzwa muZimbabwe Muine Rusarura


World Radio Day is celebrated every February 13
World Radio Day is celebrated every February 13

Apo pasi rose riri kucherechedza zuva renhepfenyuro vanhu vakawanda vanoti hurumende haisi kuda kupa veruzhinji marezinesi kuitira kuti munyika muve nenhepfenyuro dzakawanda sedzimwe nyika dzakatipoteredza.

Vakawanda vanoti hurumende haina chido chekupa marezenesi ekutepfenyura kumasangano akazvimiririra oga nepamusana pekuti hurumende haidi kuti vanhu vanzwe mafungiro akasiyana munyika.

Vamwe vanoti hurumende inongopa marezinesi kunhengo dzebato reZanu PF chete sezvayakaita kukambani yeAB Communications iyo inonzi ndeye gurukota rinoona nezvehumhizha mukufambiswa kwemashoka munyika, VaSupa Mandiwanzira.

AB Communications, iyo inotepfenyura Zimbabwe FM, yakapihwa rimwe rezenesi rekutepfenyura mumaguta eMasvingo neGweru.

Mukuru weMedia Institute of Southern Africa munyika, VaNhlanhla Ngwenya, vanoti hurumende haina kuzvipira kupa marezinesi kune avo vanoda kutepfenyura kunyange paine mutemo unovabvumira.

VaNgwenya vanoti MISA Zimbabwe icharamba ichitaura nehurumende kuti ibvume kupa marezinesi kuna ani zvake anoda kutepfenyura sezvinodikanwa nebumbiro remitemo.

Izvi zvinotsigirwa nevaimbove sachigaro weMISA-Zimbabwe, VaNjabulo Ncube, avo vanoti vanhu pamwe nemasangano anorwira kodzero dzevanhu vanofanirwa kuramba vachitaura nehurumende kuti iwanise vanhu marezinesi ekutepfenyura sezvinodiwa nemitemo yenyika.

Mugari wemuKariba muzvinafundo VaSam Mawawo vanoti kunyange nyika iri kubatana nedzimwe nyika mukupemberera zuva ranhasi asi hurumende haisati yatevedzera zvayakabvumirana nedzimwe nyika dzemuSADC zvekupa mukana wekutepfenyura pasina matambudziko.

VaMawawo vanoti sezvo hurumende isingade kutevedzera zvayakabvumirana nedzimwe nyika, vanhu vemunyika vane mukana wekuisa vanhu vanotevedzera zvavanenge vasunga musarudzo dzegore rinouya.

Mumwe mutapi wenhau anoshanda nenhepfenyuro yeKariba FM yekuZambia, VaOliver Samboti, vanoti hurumende yemuZimbabwe inofanirwa kutevedzera nyika yavo iyo ine nhepfenyuro dzinodarika makumi masere.

VaSamboti vanoti vatori venhau ndivo vanofanirwa kunge vari pamberi mukurwisa hurumende kuti iwanise vanhu marezinesi ekutepfenyura pamwe nekutapa nhau pasina kudzvinyirirwa.

Mukuru wenhepfenyuro yePatsaka Community radio station, VaMaxwell Chirinda, vanoti munyika hamusati mave nenhepfenyuro dzematunhu sezvo hurumende isingade zvirongwa zvevanhu.

Kuve nenhepfenyuro yedunhu kwakanakira vagari venzvimbo sekutaura kwemugari wemuKariba, VaShepherd Marumahoko.

VaMarumahoko vanoti nhepfenyuro yemuKariba iri kuvapa zvirongwa zvemunharaunda yavo.

Asi mumwe mugari wemuKariba, VaKizito Mwase, vanoti vachiri kuteerera nhepfenyuro yekuZambia sezvo vanopakura zvirongwa panhepfenyuro yeNyaminyami FM vasati vave kuita basa ravo nehunyanzvi.

Nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzinoti hurumende haidi kupa marezinesi ekutepfenyura sezvo ichityira kuti nhepfenyuro dzinozoshandiswa kuratidza pairi kukanganisa izvo zvinozopa kuti vanhu vasaivhotere munguva dzesarudzo.

Pari zvino munyika mune nhepfenyuro nhanhatu chete dzinonzwika nyika yose, nesere dzematunhu, dzakawanda dzacho dziri pasi pehurumende nemapazi ayo akaita seZimpapers neKingstons.

Munyika mune nhepfenyuro makumi matatu nenhatu dzakamirira kupihwa marezenisi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG