Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inokokwa kuMusangano weCommonwealth kuLondon


Vamwe vevatungamiri venyika dziri muCommnowealth
Vamwe vevatungamiri venyika dziri muCommnowealth

Sangano reCommonwealth rakakoka Zimbabwe kumusangano wevatungamiri venyika, weCommonwealth Heads of State Summit, uyo uri kutanganeMuvhuro muLondon.

Bepanhau reSunday Mail rinoti sezvo Zimbabwe isati yadzokera kuve nhengo izere yesangano iri, yakashevedzwa kuzoona nekunzwa zviri kuitika, asi iyo isina chainotaura.

Bepanhau iri rinoti gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, ndivo vachange vakamirira Zimbabwe kumusangano uyu.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mukuru weZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisayi Runhanya, vanoti sangano reCommonwealth rinofanira kutarisisa zviri kuitwa neZimbabwe pamazuva akatarisana nesarudzo uye zvaichaita pasarudzo, nekuti maitiro ehurumende panyaya idzi ndiwo mamwe ezvikonzero zvakaita kuti Zimbabwe ibude musangano iri.

Zimbabwe yakabuda muCommonwealth muna 2003 mushure mekupesana pamatongerwo aiitwa nevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Vakawanda vanoti vanoona sekunge gungano iri razvipira kugadzirisa hukama hwaro neZimbabwe, izvo zviri kuonekwa nekufambidzana kwavepo nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Hurukuro naDoctor Pedzisai Ruhanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG