Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inokurudzirwa Kugadzirira Vision 2020 Kwete Vision 2030


Mr Tapiwa Kapurura

Apo mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe achiratidza kusaita zvirinani, vamwe vari kunze kwenyika vave kutya kuti rubatsiro rwavari kutumira kuhama dzavo kuZimbabwe ruchatadza kuvabatsira sezvo mitengo yezvinhu yave kukwidzwa zuva nezuva.

Umwe wevanoongorora zvematongerwo enyika, VaTapiwa Kapurura, vanoti vanhu havasisina ruvimbo nehurumende nekuti hurumende inovanyepera nguva dzese ichiti zvinhu zvave kuita nani izvo zvichitonyanya kuipa.

VaKapurura vaudza Studio 7 kuti, “Chinhu chekutanga kuremekedza hupenyu hwevanhu nekuvaremekedza kuti vasangosungwa sungwa kana vaine zvichemo. Uyezve, dai vambomira kunyepa. Chimwe chinonyanya kunetsa kuZimbabwe ndechokuti hurumende inongotumira vanhu vanonyepa kuvanhu. Vanofanira kutaura chokwadi zvikurusei gurukota rezvemari. Ngaataure chokwadi kuvanhu uye vasavimbisa vanhu zvinhu zvavanoziva kuti havazviiti.”

VaKapurura vanoti hurumende inofanirwa kukanganwa nezve chirongwa cheVision 2030 asi kuisa simba rayo rese pakugadzirira zveVision 2020 yatakatarisana nayo mimwedzi mishomanana iri kuuya nekuti vanhu varikunetseka nhasi uno.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG