Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Zuva reKuwanikwa neKukosheswa kweMvura Pasi Pose


Boreholes and Water Situation Zimbabwe No Water
Boreholes and Water Situation Zimbabwe No Water

Nezuro, Zimbabwe yakabatana nepasi rose mukucherechedza zuva rekuwaniswa kwemvura yakachena kumunhu wese pasi rose, re World Water Day, iro rinocherehcedzwa pasi rose kubva muna 1993.

Pamusoro pekuwanisa vanhu mvura yakachena, donzvo rekucherechedza zuva iri nderekupa zivo pamusoro pevanhu vanodarika mabhiriyoni maviri vari kurarama zuva nezuva pasi rose vasina mukana kumvura yakachena.

Dingindira regore rino rakanangana nekuti mvura inoreveyi kuvanhu, kukosha kwayo uye kuti vanhu vangachengetedza sei chiwanikwa ichi.

Vanoona nezvebudiriro yevechidiki musangano revechidiki rePlatform for Youth and Community Development, VaMuburwa Allan Murozvi, vanoti vari kukurudzira hurumende pamwe nemakanzuru ose ekumaruwa nemaguta kuti vakoshese kuwaniswa kwemvura kuvanhu kuburikidza nemari dzebudiriro yematunhu.

VaMurozvi vanokurudzirawo veruzhinji kuti vadzidze kukohwa mvura kuitira kuzoishandisa munguva dzekushaikwa kwayo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG