Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Zuva Rekurwisa Zvirango


VaEmerson Mnangagwa
VaEmerson Mnangagwa

Zimbabwe nezuro yakacherechedza zuva rekurwisana nezvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nevamwe vavo vari mubato reZanu-PF. Mapato ezvematongerwo enyika ane maonero akasiyana panyaya iyi. Vanopikisa vanoti Zimbabwe yakatemerwa zvirango ne European Union ne America nekuda kwekutonga nedemo. America inotiwo zvirango zvakatemerwa vanhu vashoma nemakambani avanodyidzana nawo vachipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

Asi VaMnangagwa vakatura mashoko kunyika vachiti chimwe chinangwa chezvirango ndechekuda kupidigura hurumende yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaMnangagwa vakatendawo nyika dzemuSADC nekumira neZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mashoko aVaMnangagwa ari kurambiwa nebato rinopikisa, reMDC Alliance inotungamirwa naVaNelson Chamisa. Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vaudza Studio 7 kuti zvirango handizvo zviri kudzosera zvinhu sure, vachiti Zimbabwe iri pakaoma pamusoro pekutadza kutungamira kwa VaMnangagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG