Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vokurudzirwa Kuratidza Hutungamiri Hwavo Vachijekesera Vatsigiri Zvichaitwa kuKongiresi


VaDewa Mavhinga
VaDewa Mavhinga

Apo kongiresi ye MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa yava pedyo kuitwa, mubato iri hamuna kumira zvakanaka.

Nhengo dzebato iri dziri kuswera dzichikandirana makobvu nematete mu Social Media pamwe nepa WhatsApp.

Zviri pachena kuti mubato iri maita zvikwata zviviri zviri kunetsana.

Chimwe chikwata chiri kutsigira VaChamisa. Chikwata ichi chinoti VaChamisa havafanirwe kukwikwidzwa pakongiresi muna Chivabvu.

Chimwe chikwata chiri kutsigira munyori mukuru webato, VaDouglas Mwonzora, pamwe nemumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato, VaElias Mudzuri.

Chikwata chiri kutsigira VaChamisa chiri kufambisa mashoko ekuti VaMudzuri naVaMwonzora vari kushandiswa neZanu-PF.

Ongororo yaitwa neStudio7 inoratidza kuti aya anongova mashoko ekusvibisa VaMwonzora naVaMudzuri.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti Zanu PF iri kutora mukana wekuvhiringidza zviri kuitika muMDC kuburikidza nekubuda ichataura kunge inotsigira vamwe vatungamiri vebato iri, asi chokwadi chiripo iri nyaya yekuti Zanu PF iri kungoda chete kukonzera mutauro mubato iri.

Nyanzvi idzi dzinotiwo Zanu PF inozviziva kuti mubato reMDC mune vamwe vanhu vakawanda vasina hudzamu hwekunyatsoona bhora riri kutambwa vanobvuma kunyeperwa kuti Zanu PF iri kutsigira nhingi nanhingi, vanhu ava vobva vazvitambira sechokwadi.

VaMwonzora vanoti zvigaro zvose zvebato zvinofanirwa kukwikwidzwa, sezvinodiwa nebumbiro rebato.

Asi chikwata chaVaChamisa chiri kuti vanhu vakaita saVaMwonzora naVaMudzuri havafanirwe kupihwa mukana pakongiresi.

Pari zvino, matunhu ari kuronga kudoma vanhu pazvigaro zvichakwikwidzwa pakongiresi, asi hapana ati adomwa zviri pamutemo.

Chava kunetsa mubato iri ndechekuti nderipi bumbiro remitemo yebato richashandiswa pakongiresi iyi.

Mutauriri webato, VaJacob Mafume, vakaudza Studio7 svondo rino kuti zvigaro zvichakwikwidzwa pakongiresi ndezvemutungamiri webato, vatevedzeri vake, sachigaro webato, nemutevedzeri wake.

Asi VaMwonzora vakatiwo bumbiro remitemo rebato rinoti zvigaro zvose zvinofanirwa kukwikwidzwa.

Nyanzvi mune zvematongerwa enyika uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vaudza Studio 7 kuti zviri kuitika muMDC ndizvo zvinoitika mumapato mazhinji panguva yakadai asi chikuru ndechokuti VaChamisa vanofanirwa kuratidza hutungamiri hwavo nenzira inoratidza kuti sarudzo dzemubato iri dzinoitwa pajekerere.

VaMavhinga vanoti MDC inofanirwa kupinda nekubuda musarudzo yekongiresi yakabatana, pasina kuvengana nekupumhana huroyi, kuitira kuti veruzhinji varambe vachitsigira bato iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG