Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vokumbirwa Kuti Vapindire paGakava Riri Pakati peVadzidzi neZvikoro zvePamusorosoro


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa

Vari kuita zvidzidzo zvekuva varairidzi vari kukumbira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vapindire kuitira kuti zvikoro zviri kuvadzinga zvivape mukana wekudzidza nekunyora bvunzo panguva iyo vanenge vachitsvaga mari dzechikoro.

Sangano rinomirira vadzidzi ava reCouncil for Student Teachers kana kuti Cost rinoti kubvira pavhurwa zvikoro izvi svondo rapfuura, makoreji mazhinji ari kurambidza vadzidzi kupinda muzvikoro achiti vanofanira kutanga vabhadhara mari yese.

Mumwe mudzidzi wepaBelvedere Teachers College uyo asina kuda kudomwa nezita sezvo achitya kuzodzingwa zvachose ati tariro yavo yave kumutungamiriri wenyika.

Atiwo vamwe vabereki vavo vakadzinga mabasa uye vamwwe vari kuedza kana kutengesa zvipfuyo asi zviri kuramba.

Mumwewo mudzidzi ati dzatove svondo mbiri zvikoro zvavhurwa asi vasingadzidzi uye havachaziva kuti voita sei.

VaEnock Musasu vanove Trustee weCost, vaudza Studio 7 kuti vadzidzi vakawanda pachikoro peMorgan Zintec vakatotadza kubhadhara mari dzekotoro yekutanga uye chikumbiro chavo kuti koreji iyi irege vadzidzi vanyore bvunzo vachitsvaga mari.

Kunyange hazvo hurumende ichiti vadzidzi vanofanira kuronga nzira dzekubhadhara mari vachidzidza, vakuru vakuru vemakoreji aya vari kuramba izvi uyewo vamwe vashandi mubazi redzidzo yepamusoro vanoti izvi hazvisiri pamutemo

VaStephem Marshal Mariwo avo vari mukomiti yeCost vaudza Studio 7 kuti vachaedza napose pavanogona kutaura nehurumende kuti vadzidzi vese vakwanise kunyora bvunzo.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota redzidzo yepamusoro, VaAmon Murwira kuti tiznwe divi ravo panyayta iyi.

Asi svondo rapfuura vakavimbisa kuti vachagadzirisa nyaya iyi.

Asi vamwe vadzidzi vaudza Studio 7 kuti zvisinei nemashoko aVaMurwira vakaudzwa nemumwe mushandi mubazi iri kuti hazvisi pamutemo kuti vadzidzi vaite maPayment Plan.

Hatina kukwanisa kunzwa kuvakuru vemakoreji eMorgan Zintec neBelvedere sezvo vange vasiri mumahofisi avo.

Kune zvimwe zvikoro zvepamusoro zvisiri zvevarairidzi zvinobvumidza vadzidzi kuita maPayment Plan kuti vadzidze vachitsvaga mari.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG