Accessibility links

Breaking News

Zvipatara Zvoita Kure kwaNyashanu kuBuhera


Mumwe mugari wekuBuhera
Mumwe mugari wekuBuhera
Vagari vemunzvimbo yaShe Nyashanu mudunhu reBuhera South kuManicaland, vanoti vave nemakore akawanda vasina kiriniki kana chipatara chiri pedyo navo izvo vanoti zviri kukonzera kufa kwevanhu nezvirwere zvinorapika nyore.

Vamwe varwere vanonzi vari kufira munzira vachienda kuzvipatara zviri kure nedzimba dzavo. Vagari ava vanoti kiriniki iri pedyo navo iri makiromita gumi, ukuwo chipatara chiri pedyo navo, chiri chinhambo makiromita makumi masere. Chipatara ichi chiri paMurambinda Growth Point.

Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, VaJacob Nyekete, vanoti vari kuomerwa nekufamba nzendo refu vachienda kumakiriniki konurapwa.

VaNyekete vanoti vanhu vemunharaunda mavo vanonetsekana zvikuru munguva yekunaya kwemvura, sezvo zvirwere zvichiwanda munguva iyi.

VaNyekete vanoti zvekare nguva zhinji madzimai akazvitakura ndiwo anonyanyovhiringwa sezvo zvipatara zviri kure navo.

Mumwe mugari wenzvimbo iyi, VaSaul Takatya, vanotsinirawo mashoko aVaNyekete vachiti nguva zhinji madzimai akazvitakura anosangana nematambudziko akawanda zvikuru nekuda kwekuti zvipatara zviri kure.

VaNyekete vanoti zvekare panguva yekunaya kwemvura, vana vadiki vanobatwa nechirwere chebilharzia nekuda kwekuti pavanofamba kuenda kuchikoro nedzimwe nzvimbo, vanenge vachifamba nemumvura ine tsvina. VaTakatya vanoti vana ava kana vachinge vabatwa nezvirwere, hazvisi nyore kuti varapwe nekukurumidza, sezvo zvipatara zviri kure.
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Mumwe mudzidzisi wepachikoro cheRomorehoto asina kuda kudomwa nezita rake, anotiwo vana vazhinji kana vachinge varwara, vanorasikirwa nenguva yekudzidza vachifamba nzendo refu kuenda kumakiriniki ari kure nenzvimbo dzavanogara.

Gurukota rezveutano, VaHenry Madzorera, vanoti zvipatara zvizhinji zvekumaruwa zviri kure zvikuru, izvo zviri kuomera vakawanda. Asi VaMadzorera vanoti Zimbabwe ikaramba ichibudirira munyaya dzezveupfumi, mari yekugadzirisa dambudziko iri ichawanikwa.

VaMadzorera, avo vanova chiremba, vanoti hurumende iri kuedza napainogona napo kubatsira veruzhinji nechirongwa cheHealth Transition Fund kuitira kuti zvipatara zvishoma zviri kumaruwa, zvikwanise kuva nemishonga nezvimwe zvakadaro nguva dzose.

VaMadzorera vanoti zvakakosha kuti vana amai vanenge vakazvitakura, vaende kunogarira kuzvipatara zvikuru kana nguva yavo yave kuda kukwana, kuitira kuti vasasangane nedambudziko rekushaiwa chekufambisa kana voda kunobatsirwa.

Dambudziko rakatarisana nevanhu vekwaNyashanu, idambudziko riri kutarisanawo nevanhu vagere munzvimbo dzakasiyana siyana mumaruwa muZimbabwe.
XS
SM
MD
LG