Accessibility links

Breaking News

Varimi Vokurudzira Hurumende Kukoshesa Zvibvumirano Zvainosaina


France Climate Countdown
France Climate Countdown

Vamwe varimi vanoti zvibvumirano zvakaita se Paris Agreement On Climate Change zvakakosha kwavari sezvo zvichivapa kuti vagadzirire kurima vaine ruzivo rwakakwana.

Vamwe varimi vanoti zvibvumirano zvakaita se Paris Agreement On Climate Change zvakakosha kwavari sezvo zvichivapa kuti vagadzirire kurima vaine ruzivo rwakakwana.

Mumwe murimi wekuMatebeland South, Va Themba Dlodlo, vanoti hurumende inofanirwa kuita hany’a nezvinobuda muzvibvumirano zvakadayi, kwete kupedza nguva vanhu vachiita makakatanwa munyaya dzematongerwo enyika.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mumwe wevatungamiri venyika dzinodarika zana nemakumi manomwe dzakanyorerana chibvumirano chezvemamiriro ekunze muNew York nemusi weChishanu muAmerica.

VaDlodlo vanoti dayi hurumende yaikoshesa zvibvumirano izvi, dai nyika yakadzokera kuhunyanzvi hwayo munyaya dzekurima kwete kupemha chikafu kune dzimwe nyika sezvave kuitika pari zvino.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rezZanu PF panyaya iyi sezvo nhare dzavo dzange dzisinga davirwe.

"Dai hurumende ichizoita zvinenge zvanzi zviitwe muzvibvumirano izvi sezvo zvakakosha pakuronga marimiro edu mwaka wega wega. Tinoda kuziva kuti mwaka unotevera uchange wakamira seyi kuitira magadziriro edu kuti tiite maguta,"VaDlodlo vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG