Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Oshushikana neMashoko Aburitswa neBepanhau reHurumende


VaObert Masaraure

Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti ari kushushikana zvikuru nekupomerwa kwaari kuitwa mhosva yekunzi ari kushanda nenyika dzekunze dzakaita seAmerica, Britain pamwe neSweden nechinangwa chekukonzera kusagadzikana munyika.

Kushushikana uku kunotevera mashoko aburitswa nhasi nebepanhau reHerald richiti mizinda yeAmerica, Britain neSweden iri kushanda pamwe chete nemasangano akazvimirira akaita seCrisis in Zimbabwe Coalition, sangano revadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, Citizen Manifesto, sangano reVendors Initiative for Social and Economic Transformation nemamwe mukuronga kuratidzira mwedzi unouya nechinangwa chekuda kupidigura hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Asi mutungamiri weArtuz, VaObert Masaraure, vati mashoko aya haasi echokwadi.

Mashoko aya atsinhirwa neVaSamuel Wadzai vesangano reViset avo vati zvabuditswa nebepanhau iri hazvisizvo zvakavambirwa sangano ravo vachiti sangano ravo harinei nezvematongerwo enyika.

Kunyange hazvo vachiti zvataurwa neHerald hazvisi zvechokwadi, VaMasaraure vati hapana chakaipa pakuchinjwa kwehurumende neveruzhinji.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaRashweat Mukundu, vatiwo zvataurwa nebepanhau rehurumende iri kuvhunduka chati kwatara semunhu ane katurike.

Muzinda weAmerica muHarare wati hausi kuda kutaura nezvenyaya iyi uye tanga tisati tapindurwawo nemizinda yeBritain neSweden nezvenyaya iyi.

Vamwe vadomwa neHerald kuti vari kuronga zvekupidigura hurumende vanosanganisira VaGeorge Makoni naVaTatenda Mombeyarara avo vakambosungwa vachipomerwa mhosva yekunzi vakambenge vapindawo mumwe musangano kuMaldives waive nechinangwa chekupidigura hurumende yaVaMnangagwa.

Asi vasungwa ava vakazowanikwa nematare vasina mhosva.

Bepanhau reHerald rati nyaya iyi yave kutoferetwa nemapurisa asi mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vaudza Studio 7 kuti havana zvavanokwanisa kutaura pari zvino vachiti vari kuda kumboongorora zvaburitswa neHerald izvi vozoburitsa gwaro rizere.

Mibvunzo yatatumira mupepeti webepanhau reHerald, VaHatred Zenenga, yanga isati yapindurwa pataenda pamhepo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG