Accessibility links

Breaking News

Varwiri veKodzero Vanoti Hurumende Inogona Kusungiswa neNyaya yeKorera


Magweta anorwira kodzero dzevanhu anoda kubatsira kuendesa hurumende kumatate edzimhosva pamusoro pevanofa nekorera
Magweta anorwira kodzero dzevanhu anoda kubatsira kuendesa hurumende kumatate edzimhosva pamusoro pevanofa nekorera

Masangano anoshanda akazvimirira achibatsirwa nemagweta anorwira kodzero dzevanhu eZimbabwe Lawyers for Human Rights, anoti akazvipira kubatsira mhuri dzine hama dzakashaya nechirwere chekorera kusungisa hurumende nemakanzuru vachiti ndivo vakakonzera chirwere ichi.

Vachitaura nevatori venhau nhasi, masangano aya chishanda pasi pemubatanidzwa weCivil Society Health Emergency Response Co-ordinating Committee, vati hurumende nemakanzura emumaguta ndivo vakakonzera korera nekutadza kuita basa.

Masangano aya anoti hurumende nemakanzuru nekambani yeZimbabwe National Water Authority anosungirwa nemutemo kupa vanhu mvura yakachena, kutakura marara pamwe nekuona kuti vanhu vagara zvakanaka, asi vari kutadza kuita izvi.

Vachitaura vaine vamwe vatungamiriri vemasangano aya, mukuru weZimbabwe Lawyers for Human Rights, Muzvare Rose Hanzi, vati vachabatsira vese vakashaikirwa nehama dzavo kusungisa hurumende nemakanzuru.

Muzvare Hanzi vatiwo vacharamba vachidzisisa vagari kuti vamanikidze nemakanzuru nehurumende kuti vapihwe kodzero dzavo dzekuwana mvura yakachena nekugara zvakanaka sezvinodiwa nebumbiro remitemo.

Vatiwo kana izvi zvikatadzwa nehurumende nemakanzuru vachaenda kumatare zvakare.

Vakurudzirawo zvipatara zvakazvimirira kana kuti maPrivate Hospital kuti zvibatsire zvipatara zvekanzuru nehurumende mukurapa vanhu vane korera.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kubazi rezvehutano kuti rinoti chii nenyaya yekuti vachasungiswa sezvo gurukota rebazi iri, VaObadiah Moyo, vange vasati vapindura mimbvunzo yedu pataenda pamhepo

Mutauriri wekanzuru weHarare, VaMichael Chideme, vaudza Studio 7 kuti ino haisi nguva yekunakurirana nyoka mhenyu asi yekuti vanhu vashande pamwe chete kupedza dambudziko rekorera.

Pave nevanhu makumi maviri nevashanu vafa kubvira pakatanga chirwere ichi svondo rapfuura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG