Accessibility links

Breaking News

Apex Council Inoshanduka Kuve Mubatanidzwa weMasangano eVashandi veHurumende, weZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions


Vashandi vehurumende vagara vari kuchema kuti havasi kunzwikwa zvakanyanya sezvo vasiri kutaura nezwi rimwechete.
Vashandi vehurumende vagara vari kuchema kuti havasi kunzwikwa zvakanyanya sezvo vasiri kutaura nezwi rimwechete.

Sangano rrinomirira vamwe vashandi vehurumende, reApex Council, nemusi weChina rakashanduka kuve mubatanidzwa wemasangano anomirira vashandi vehurumende vose kusanganisira nevashandi vemakambani ari pasi pehurumende kana kuti parastarals, richishanda seZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions (ZCPSTU).

Sangano idzva iri richange richimbotungamirirwa nehutungamiri hwanga huri kuApex Council hwaAmai Cecilia Alexander nechikwata chavo, uye richasanganisa masangano ose anomirira vashandi vehurumende kuve pasi pegungano rimwe chete.

Mutewedzeri wemunyori mukuru wesangano idzva iri, VaGibson Mushangu, avo vaive zvakare kuApex Council, vanoti hurongwa uhwu huchabatsira zvikuru kuti vashandi vehurumende vataure nezwi rimwe chete, vachiri muruzhinji mune simba.

Asi mamwe masangano evashandi vehurumende anosanganisira revarairidzi reProgressive Teachers Union, PTUZ, akanga achinyunyuta kuti nguva yekuve muhofisi yechikwata chaMai Alexander yakapera musi wa 31 Kurume gore rino, achiti hachichisiri kushanda zviri pamutemo.

Asi VaMushangu, avo vanobvuma kuti nguva yehutungamiri hwavo yakapera kushanda muna Kurume, vanoti nekuda kwechirwere cheCovid-19, hutungamiri hweApex Council hwakanga hwapiwa mimwe mwedzi mitatu yekuita basa kusvika pazoitwa musangano wekudoma humwe hutungamiri.

Vanoti nekuda kwezvazoitika izvi zvekushanduka kuve rimwe sangano guru rinomirira vashandi, zvave kureva kuti hutungamiri hwavo huri pamutemo.

VaMushangu vashora vari kupokana nehutungamiri hwavo vachhiti havatevere zviri kutora nzvimbo, vachiti zvakaziviswa kuvanhu vose kuti Apex Council yakanga ichiri kushanda zviri pamutemo.

Hurukuro naVaGibson Mushangu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti zvinokatyamadza kuti Apex Council ndiyo yave Zimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions ipo pasina masangano acho kana kuti ma federation akaita mubatanidzwa.

Vanotiwo hutungamiri hwesangano idzva iri hapana akahusarudza nekudaro hwakazvigadza hwega, izvo zvavanoti zvinonyadzisa.

Doctor Zhou vanoti vanofunga kuti hurongwa hwese uhwu hune makomborero ebazi rezvevashandi, nekuti dai hurumende isina chekuita muhuruongwa uhwu, sangano iri haraikwanisa kunyoreswa zviri pamutemo.

Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezvevashandi, VaPaul Mavima, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG