Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Voyambira Kuramwa Basa neChina


Varairidzi vachiratidzira

Hurukuro pakati pevamiririri vehurumende nemasangano anomiririra vashandi vehurumende dzakatadza kubuda nekuwirirana panyaya yemihoro.

APEX Council, iyo inomiririra masangano evashandi vehurumende anosvika gumi nematanhatu, inoti hurumende haina chitsva chayakauya nacho kumusangano wakaitwa neMuvhuro.

Mutungamiri weAPEX Council, Muzvare Cecilia Alexander, vaudza Studio7 kuti vashandi vanoda kubhadharwa nemari yekunze kana kuti muhoro wevanotambira mari shoma ukwidzwe kubva pamazana mana ane gumi nemadhora mana, uiswe pachiuru nemazana manomwe emadhora, $1,700.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, vanoona nezvekufambiswa kwemabasa nekubudiswa kwemashoko muProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaLadistos Zunde, vanoti masangano mazhinji ari kuona kuti zvinhu zvasvika pakaoma saka vachibatana muzvirongwa zvekumanikidza hurumende kuti inzwe zvichemo zvavo.

VaZunde vati sangano ravo rakagadzirira kuramwa mabasa kutanga nemusi weChina kana hurumende ikaramba isingateereri zvavari kutaura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG