Varairidzi vari pasi pesangano revarairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union, kana kuti ARTUZ, vatanga kuramwa mabasa vachida kuti hurumende itarise zvakare mihoro yavo, iyo vanoti vari kuda kuti iwedzerwe kuitira kuti ifambirane nemitengo yezvinhu.
Mutungamiri wesangano iri, VaObert Masaraure, vanoti panhengo dzavo dzose, zvikamu gumi nezviviri kubva muzana ndizvo chete zvaenda kumabasa.
VaMasaraure vanoti nhengo dzavo dziri kuda kuti mihoro yadziri kutambira pari zvino ipetwe zvinoenderana nehuremu hwedhora rekuAmerica hunenge huchiwanikwa kumabhanga zuva iroro.
Mamwe masangano evashandi vehurumende akatozivisawo kuti nhengo dzawo hadzichakwanisa kuramba dzichienda kumabasa sezvo zvinhu zviri kuramba zvichingokwira, asi mihoro yevashandi isina kwairi kuenda.
Facebook Forum