Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vanoti Havana Kuwana Mihoro Yavo neChitatu Sezvakanga Zvavimbiswa neHurumende


Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou.
Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou.

Rimwe sangano rinomirira varairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe rinoti varairidzi havana kuwana mihoro yavo neChitatu sezvakanga zvavimbiswa nehurumende.

Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti varairidzi vaifanirwa kuwana mihoro yavo kumabhanga avo, asi nhengo dzavo dzakawanda dzaivazivisa kuti kwakanga kusina mari sezvo mihoro yakanga isina kuiswa.

Asi vamwe vanoti vanofunga kuti kumbovharwa kwemasaisai eindaneti kunogona kunge kuri iko kwakanonotsawo kufambiswa kwemari, sezvo hurumende ichitumira mari idzi kumabhanga dziri maRTGS kuburikidza nemasaisai.

Svondo rino hurumende yakazivisa kuti yapa vashandi vayo vose mari yekuti vabatsirikane kubva mukukwira kwemitengo yezvinhu mwedzi uno chete iri pakati pezvikamu makumi maviri nezviviri kubva muzana kusvika pazvikamu zvishanu kubva muzana, zvichienderana nemuhoro wemunhu.

Asi Doctor Zhou vanoti sesangano vari kuramba kutambira mari idzi sezvo dziri shoma kwazvo zvichienzaniswa nekukwira kwezvinhu munyika.

Vashandi vehurumende vakaramba kutambira zvikamu gumi kubva muzana zvavakanga vaipwa nehurumende svondo rapera, izvo zvakazoita kuti vape hurumende mazuva gumi nemana ekuti igadzirise zvinhu, kukundikana kwayo vanozoramwa mabasa.

Doctor Zhou vanoti nhengo dzavo dziri kumboenda kumabasa zuva rimwe chete pasvondo, asi kubva svondo rinouya vanenge votarisisa kuti votora matanho api, sezvo mazuva gumi nemana avakapa hurumende achikwanawo svondo rinouya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG