Sangano reApex Council, iro rinomirira vashandi vehurumende, rasangana nevamiriri vehurumende pamusangano wekuzeya mihoro yevashandi vehurumende weNational Joint Negotiating Council, NJNC, hurumende ichinzi yaisa patafura zvikamu zvinoita makumi manomwe nezvitanhatu kubva muzana zvekuwedzera nazvo mihoro yevashandi vayo kutanga mwedzi uno.
Asi sachigaro veApex Council, Amai Cecilia Alexander, vanoti vakumbira nguva yekuti vambotanga vanzwa kubva kunhengo dzavanomirira vasati vatambira zvauya zvakapfumbatwa nehurumende izvi.
Amai Alexander vanoti mushure mekunan’anidza mari yauya nehurumende iyi, vaona kuti mushandi wepasi anenge otambira mari inoita RTGS$1023.00 pamwedzi, achikwira kubva paRTGS$582.00, iyo vanoti iri pasi zvikuru.
Vanoti ivo vashandi vari kuda kuti mushandi wepasi atambiriswe mari inoita $4750.00 RTGS pamwedzi kuti akwanise kurara. Zvikwata zviviri izvi zviri kutarisirwa kusangana zvakare nemusi weChipiri kuti zvione kuti zvapeta here nhaurirano idzi.
Mwedzi wapera hurumende yakanga yapa vashandi vayo zvikamu gumi kubva muzana, asi vakaramba kutambira mari iyi vachiti chaive chituko chaicho kuwedzera vashandi nezvikamu zvakadaro.
Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi., sezvo gurukota rezvevashandi, Amai Sekai Nzenza, vanga vasiri kubatika panharembozha yavo.
Facebook Forum