Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inotadza Kusangana neVashandi Vayo Kuti Vazeye Mihoro


Vashandi vehurumende vachiratidzira.

Zvinhu zvinonzi hazvichina kumira zvakanaka muvashandi vehurumende zvichitevera kusabudirira kwemusangano wekuzeya mihoro pakati pevashandi nehurumende, uyo wanga wakatarisirwa kuti ndiwo uchagadzirisa gakava remihoro.

Mumwe wevane ruzivo nezvatora nzvimbo asina kuda kudomwa nezita, audza Studio 7 kuti vashandi vangotambira shoko rekuti musangano wasendekwa parutivi pasina zvikonzero zvakati tsvikiti, uye hurumende haina kuzivisa kuti musangano uyu uchaizotwa riini.

Vashandi vehurumende vanonzi vanga vakatarisira zvikuru kumusangano uyu, mushure mekunge svondo rapera varamba kutambira madhora makumi mapfumbamwe nemanomwe akanga anzi nehurumende ichawedzera nawo mushandi wega wega.

Chimwe chinonzi chiri kurwadza vashandi ava inyaya yekuti hurumende yakangowedzera mihoro yemauto nemadhora mazana mana pasina kana hurukuro, asi vamwe vashandi voita zvekugwadama nemabvi nemagokora vachikumbira kuti mihoro yavo iwedzerwe.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG