Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoshevedzera Musangano weKuedza Kumisa Kuramwa Mabasa kweVashandi


Sachigaro veApex Council, Amai Cecilia Alexander vanoti sangano ravo harisati rashevedzera kuramwa mabasa kunyange hazvo mazuva gumi nemana akadarika.
Sachigaro veApex Council, Amai Cecilia Alexander vanoti sangano ravo harisati rashevedzera kuramwa mabasa kunyange hazvo mazuva gumi nemana akadarika.

Hurumende inonzi yashevedzera musangano wechimbichimbi nevashandi vayo senzira yekuedza kudzivirira kuramwa mabasa kwevashandi mushure mekupera kwemazuva gumi nemana avakanga vaipa kuti igadzirise zvinhu, kukundikana kwavo vaizotanga kuramwa mabasa neMuvhuro svondo rino.

Sachigaro wesangano rinomirira vashandi, reApex Council, Amai Cecilia Alexander, vanoti vakokwa nehurumende kuti vasangane neMuvhuro kuti vaedze kutsvaga nzira dzekudzivirira kuramwa mabasa kwevashandi mushure mekunge dzimwe nhaurirano dzavakamboita dzatadza kuburitsa chimuko.

Asi Amai Alexander vanoti sangano ravo harisati rashevedzera kuramwa mabasa kunyange hazvo mazuva gumi nemana akadarika. Vanoti zvichabuda mumusangano uyu ndizvo zvichavapa gwara rekutora kuenda mberi.

“Hurongwa huripo Vakandemiiri tichienda mberi ndehwekuti, chekutanga, apex Council haisati ya declare strike. Takangosana takawirirana kuti kwasara 48 hours, saka mangwana tiri kuenda kunosangana nehurumende kuseni.

“Tarongazve kuti kuseni tine Apex Council yatinozoturira zvatinenge tataura ku meeting yeNational Joint Negotiations Council,” vanodaro Amai Alexander.

Vashandi vehurumende vari kuramba kutambira mari inoita mamiriyoni mazana matatu emadhora yakanga yanzi nehurumende imbofanobatsira vashandi kubva mukukwira kwemitengo yezvinhu.

Mazuva gumi akanga aziviswa nevashandi akapera nemusi weChishanu svondo rapera, zvichireva kuti vashandi vaifanirwa kutanga kuramwa mabasa kutanga kwesvondo rino.

Hurukuro naAmai Cecilia Alexander
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG