Accessibility links

Breaking News

Musangano Pakati peVashandi veHurumende neHurumende Unotadza Zvakare Kuburitsa Chimuko


Vashandi vehurumende vari kuti vanoda kuti mihoro yavo idzoke payaive muna Gumiguru 2018, apo vaipiwa madhora mazana mashanu nemakumi maviri ekuAmerica.
Vashandi vehurumende vari kuti vanoda kuti mihoro yavo idzoke payaive muna Gumiguru 2018, apo vaipiwa madhora mazana mashanu nemakumi maviri ekuAmerica.

Musangano weNational Joint Negotiating Council, NJNC, uyo unobatanidza hurumende nevamiriri vevashandi vari pasi peApex Council muhurukuro dzemihoro waitwa muHarare, unonzi hauna zvakare zvawaburitsa sezvo vamiriri vevashandi vachinzi varamba kutambira zvanga zvaiswa patafura nehurumende.

Hurumende inonzi yauya nezvikamu makumi maviri kubva muzana zvemari zvekuisa pamusoro pezvikamu makumi mana kubva muzana zvemari yayakawedzera nayo vashandi vayo muna Gunyana, kuti zviite zvikamu makumi matanhatu kubva muzana.

Asi vashandi vati izvi hazvisvitsi mihoro yavo pamari yavari kuda.

Mutevedzeri wemunyori weApex Council, VaGibson Mushangu, vanoti vashandi vapinda mumusangano uyu vachijekesera hurumende kuti vanoda mari inoita madhora mazana mashanu nemakumi maviri emari yekuAmerica, iyo vaitambira muna Gumiguru 2018.

Musangano weNJNC uyu waifanirwa kunge wakaitwa neMuvhuro, asi hurumende inonzi yakakumbira kuti uendeswe mberi kuzuva reChipiri.

Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezvevashandi, VaPaul Mavhima, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi hurumende yakanga yakavimbisa kuti ichagadzirisa zvichemo zvevashandi vayo kuburikidza nemusangano uyu.

VaMushangu vanoti Apex Council yazokumbira hurumende kuti isangane nenhengo dzayo neChitatu vachivapira zvabuda mumusangano uyu, uyewo kunzwa pfungwa dzavo pane zvanga zvauya nehurumende, vozosangana zvakare nehurumende musi weChina.

Hurukuro naVaGibson Mushangu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG