Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vanoronga Kuratidzira Svondo Rinouya


Vashandi vehurumende vachiratidzira muHarare. Rwendo rwuno vanoti vachafora vachinosiya gwaro renyunyuto kuhofisi yegurukota rezvemari, VaMthuli Ncube.

Vashandi vehurumende vari pasi pesangano reApex Council vakazivisa nezuro kuti vachange vachipinda mumigwagwa neChitatu chinouya vachiratidza kusafara kwavo nekwavanoti kushaya han’ya kwehurumende pakugadzirisa zvichemo zvavo.

Mutevedzeri wasachigaro weApex Council, VaThomas Muzondo, vanoti vashandi vaneta nekuvimbiswa zvisingazobuda, izvo zvaita kuti vatore danho iri.

Vanoti vashandi vachaungana pamahofisi ePublic Service Commission vachizofora vachienda kumahofisi egurukota rezveupfumi, Muzvinafundo Mthuli Ncube, uko vachanosiya magwaro enyunyuto.

Danho revashandi vehurumende iri riri kuuya panguva iyo vanachiremba vavekupinda mumazuva makumi matanhatu vachiramwa mabasa vachida kuti vawedzerwe mihoro yavo.

Varairidzi vari pasi pePTUZ neAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, vari pakuramwawo mabasa, nhengo dzePTUZ dzichingoshanda mazuva maviri chete pasvondo.

Bato reMDC raburitsawo mashoko ekuti riri kutsigira danho revashandi vehurumende rekuramwa mabasa iri, richiti ikodzero yevashandi yekuratidza kusafara kwavo nemihoro yavo murunyararo.

Mutewedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaEnergy Mutodi, vanoti hurumende ichashandisa mutemo mukuranga vashandi vayo vanenge vasiri kuenda kumabasa.

VaMutodi vanoti hapana chikonzero chingaite kuti vashandi vehurumende varatidzire kana kuramwa mabasa, sezvo gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli ncube, vakatozivisa kare kuti vari kugadzirisa mihoro yevashandi vehurumende.

Panyaya yavanachiremba vari kuramba kumira pamberi pekomiti inoranga vashandi, VaMutodi vanoti hurumende yavo ichatevedzera mutemo wemabasa nevashandi zvakare, weLabour Law, uyo unovabvumidza kuti mushandi atongwe kunyangwe asipo.

Vanoti vanachiremba ava vanofanirwa kudzingwa mabasa kana vasiri kutevera mhiko dzavakatora pavakapinda mabasa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG