Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vashandi veHurumende Vonyunyuta neMabhadharirwo eBhonasi Ravo


Vashandi vehurumende vachiratidzira muHarare, (Feb. 19, 2010).
Vashandi vehurumende vachiratidzira muHarare, (Feb. 19, 2010).

Hurumende yaburitsa mazuva achatambirwa mari dzekutendwa kana kuti mabhonasi egore rino evashandi vayo vose, ichiti vari muchiuto, chipurisa pamwe nevehutano vanotambiriswa mari idzi musi wa15 Mbudzi gore rino.

Vadzidzisi vanonzi vachawaniswa mari dzavo dzemabhonasi nemusi wa17 Zvita, kuchitiwo vamwe vashandi vehurumende vese vachinzi vachatambiriswa musi wa 20 Zvita.

Mashoko aburitswa nebazi rezvekuburitswa kwemashoko anoti mushandi achapiwa bhonasi pachitariswa mari yaanotambira pamwedzi, pamwe nemari yekubaitsirika nepekugara neyekufambisa.

Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, sezvo vanzi vanga vari mumusangano panguva yatavafonera.

Asi sangano rinomirira vamwe vashandi vehurumende, reApex Council, rinoti harisi kufara nehurongwa hwekuti vashandi vanopatsanurwa pakupiwa bhonasi sezvo izvi zvichiomesera vachapiwa mari dzavo mwedzi unouya.

Munyori weApex Council, VaDavid dzatsunga, vanoti vashandi vachatambiriswa mari idzi muna Zvita vachadziwana dzisisina simba rekutenga zvakawanda nekuda kwe inflation.

VaDzatsunga vanoti masangano evashandi ari pasi pesangano ravo achagara pasi kuti vabude nechisungo chavangatora kuenda mberi, sezvo vambotadziswa nemapurisa kusvitsa gwaro ravo renyunyuto kugurukota rezvemari, VaMthuli Ncube.

Hurukuro naVaDavid Dzatsunga
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG