Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vanongosva Hurumende Kuti Vatange Zvakare Nhaurirano dzeNJNC


Vashandi vehurumende vanoti vanoda kuti nhaurirano dzeNational Joint negotiating Council dzitange zvakare vazeye mihoro.
Vashandi vehurumende vanoti vanoda kuti nhaurirano dzeNational Joint negotiating Council dzitange zvakare vazeye mihoro.

Vashandi vehurumende vari pasi pesangano reZimbabwe Confederation of Public Service Trade Unions, iro raimbonzi APEX Council, vakanyorera kuhurumende vachikurudzira kuti nhaurirano dzemihoro, dzeNational Joint Negotiating Council, NJNC, dzimutsiridzwe.

Mutevedzeri wemunyori wesangano iri, VaGibson Mushangu, vanoti chikonzero chikuru chaita kuti vanyorere kuhurumende vachiiyeuchidza nezvenhaurirano dzemihoro idzi inyaya yekuti mitengo yezvinhu zvinodiwa nemunhu zuva nezuva iri kungokwira, asi mihoro yevashandi vehurumende isina kwairi kuenda.

"Takanyorera hurumende tsamba musi wa 02 mwedzi uno tichivarangaridza kuti tarirai tava mugore idzva rava nemasandukiro aro ekurarama. saka tinotarisirawo kuti tinge tichisangana tichiita hurukuro nekutika isu nyaya yedu yemihoro ndeyekungoti nguva nenguva tagara pasi tichikurukura."

VaMushangu vanoti zvavari kuda sevashandi vehurumende hazvirambe zvichichinja, uye hazvisi zvinhu zvakawanda, kunze kwekungoti hurumende idzose mihoro yavo pamari dzavaitambira muna 2018, dzinove madhora mazana mashanu nemakumi maviri emari yekuAmerica pamwedzi.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.

Hurukuro naVaGibson Mushangu
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG