Accessibility links

Breaking News

Musangano weNJNC Unotadza Kubuda neChisungo paNyaya yeMihoro yeVashandi veHurumende


Vashandi vehurumende vagara vachichema kuti mihoro yavo haichavakwanire.

Musangano pakati pevamiriri vevashandi nevamiriri vehurumende waitwa pasi peNational Joint Negotiating Council, NJNC, unonzi watadza kubuda nechisungo mushure mekunge mapoka maviri aya atadza kuwirirana pane zvauya nehurumende, izvo zvazoita kuti aronge kusangana zvakare neMuvhuro unouya.

Munyori mukuru weApex Council, VaDavid Dzatsunga, vanoti hurumende ine zvayanga yauya nazvo kumusangano uyu zviri nani kudarika zvayakamboisa patafura mazuva adarika asi ivo sevamiriri vati vanoda kumbotanga vanzwa kubva kunhengo dzavo vasati vatora danho.

VaDzatsunga vanoti nekuda kwekuti nhaurirano dzichiri kuenderera mberi, havakwanise kutaura kuti zvikamu zvingani zvanga zvauya nehurumende kumusangano uyu.

Musangano uyu wanga uri wekuedza kugadzirisa makakatanwa aripo panyaya dzemihoro yevashandi vehurumende mushure mekunge vashandi varamba mari yakanga yamboiswa patafura nehurumende inoita zvikamu makumi mana kubva muzana pamusoro pezvikamu makumi maviri kubva muzana zvayakanga yaisa muna Gunyana.

Mari itsva idzi dzaizoita kuti mushandi wehurumende wepasi awane zviuru gumi nezvishanu zvema RTGs pamwedzi, uye murairidzi wepasi achitambirawo madhora zviuru gumi nezvisere zvemari yemunyika pamwedzi.

Pamusoro pezvo, hurumende yakazivisa kuti iri kupa zvikamu gumi kubva muzana pamari dzevarairidzi zvemari yekubatsirikana munguva ino yeCovid-19.

Asi vashandi vakaramba kutambira mari idzi vachiti ishoma uye havana kugarwa navo pasi nehurumende kuti vawirirane.

Vashandi vari kutiwo vanoda kuti mari dzavo dzidzokere padzaiva muna 2018 dzinoita madhora ekuAmerica anosvika mazana mashanu nemakumi maviri pamwedzi wega wega.

Hatina kukwanisa kubata vamiriri vehurumende kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi pataenda pamhepo.

Asi VaDzatsunga vanoti sevashandi vari kusangana neMugovera uno kuitira kunzwa kuti votambira here zvauya nehurumende rwendo rwuno kana kuti kwetew vasati vasangana zvakare nehurumende neMuvhuro unouya.

Hurukuro naVaDavid Dzatsunga
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG