Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheCovid-19 Chopararira Zvikuru kuMaruwa


Mushonga weSinopharm
Mushonga weSinopharm

Nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vakambove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vanoti vana vechikoro vari kudzoka kumusha mushure mekuvharwa kwezvikoro ndivo vamwe vari kubatsira kuparardzira chirwere ichi kumaruwa sezvo chirwere ichi chave kunetsa muzvikoro.

Mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vakaudza Studio 7 pakupera kwesvondo kuti bazi ravo riri kurwadziwa zvakanyanya nekufa kuri kuramba kuchiita vanhu munyika zvichikonzerwa neCovid-19.

Dr Madzorera vanoti hurumende iri kuedza kudzikisa huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi asi vachiti vanhu kumaruwa vanofanirwa kupihwa ruzivo rwakawanda pamusoro pechirwere ichi sezvo vaimbofunga kuti ichi chirwere chevanhu vemumadhorobha chete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG