Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Inoti Vagari neMakambani Vane Zvikwereti Zvinodarika Mabhiriyoni Mashanu


Vagari vari kuchemawo kuti kanzuru yeHarare iri kukundikana kuwawanisa mvura yakachena, pamusoro pezvimwe zvavanofanirwa kuwana.
Vagari vari kuchemawo kuti kanzuru yeHarare iri kukundikana kuwawanisa mvura yakachena, pamusoro pezvimwe zvavanofanirwa kuwana.

Kanzuru yeHarare inoti iri kukundikana kuita zvirongwa zvebudiriro nepamusana pekuti vamwe vagari pamwe nemamwe makambani vane zvikwereti zvakakura zvavasiri kubhadhara zvinodarika mabhiriyoni mashanu emadhora emunyika.

Gwaro raburitswa nekanzuru rinoratidza kuti vagari ndivo vane chikwereti chakanyanya kukura, chinodarika mabhiriyoni maviri nemamiriyoni mazana mana emadhora emunyika, (ZWL$2.4 billion), vachiteverwa nevemabhizimusi, avo vane chikwereti chinodarika bhiriyoni imwechete nemamiriyoni mazana matanhatu emadhora emunyika (ZWL$1.6 billion).

Makambani ane chikwereti chinodarika mamiriyoni mazana matanhatu nemakumi manomwe nematanhatu (ZWL$676 million) emadhora emunyika, kuchitiwo hurumende iine chikwereti chinodarika mamiriyoni zana nemakumi manomwe nepfumbamwe emadhora kana kuti (ZWL$179 million).

Vemisika vane zvikwere zvinodarika mamiriyoni mazana maviri nemakumi maviri nematatu emadhora (ZWL$223 million), kuchitiwo mamwe makanzuru ane zvikwereti zvinodarika mamiriyoni makumi mapfumbamwe nematanhatu emadhora emunyika (ZWL$96 million.

Mukuru werimwe sangano rinomirira vagari, reCombined Harare Resident Association, CHRA, Amai Loreen Mupasiri-Sani, vanoti nyaya yekusabhadharwa kwemitero inyaya yave nemakore muguta reHarare.

Asi Amai Mupasiri-Sani vanoti chikuru chiri kutaurwa nevamwe vagari sechikonzero chiri kuita kuti vasabhadhara mitero yavo inyaya yemashandisirwo anonzi ari kuitwa mari nekanzuru asina kujeka.

Vanotiwo chimwe chiri kunyunyutwa nacho nevagari inyaya yekuti kanzuru yavo iri kutungamidza mberi zvinhu zvisina kukosha ichisiya zvinonzi nevagari zvakakosha, zvakaita sekuwaniswa kwemvura yakachena, kutakurwa kwemarara nekugadzirwa kwepombi dzinorasa tsvina.

Hurukuro naAmai Loreen Mupasiri-Sani
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Amai Mupasiri-Sani vanoti sesangano, vari kuklurudzira kuti kanzuru nevagari vagare pasi vachiwirirana pazvinhu zvavanoona sezvakakosha, uye vanoti vari kukurudzirawo vagari kuti vabhadhare mitero yavo kuitira kuti kanzuru ikwanise kuvawanisa zvavanofanirwa kuwana.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG