Accessibility links

Breaking News

Mhuri Dzakawanda kuBudiriro Dzonaiwa neMvura Mushure meKuputsirwa Dzimba neKanzuru yeHarare


Dzimwe dzedzimba dzakaputswa nemusi weChipiri nekanzuru kuBudiriro muHarare

Mhuri dzinokwana zana nemakumi matatu nena dziri kupurwa nemvura dziri panze mushure mekunge kanzuru yeHarare yaputsa dzimba dzavo kuBudiriro 5 nemusi weChipiri dzichinzi dzakavakwa zviri kunze kwemutemo.

Mhuri idzi pari zvino dzatombotsvaga pekugara pakaita semudzitokari nezvikwere zvehuku.

Vakaputsirwa dzimba inhengo dzemushandirapamwe weTembwe Housing Co-operative, uye vange vave nemakore gumi vachigara panzvimbo iyi.

Vanhu ava vaudza Studio 7 kuti vakakatyamadzwa kuona vashandi vekanzuru yeHarare vachiuya nemagairedha pamwe nemapurisa aiave nepfuti vachipwanya dzimba dzavo.

Ambuya Chengeto Tapfuma vaudza Studio 7 kuti vakaparadzirwa midziyo yavo, vakarohwa asi vanoti hapana kwavachaenda.

Vamwewo vakaita saVaFrancis Mapete vaudza Studio 7 kuti vakashamisikawo nezvakaitika vachiti magwaro avo kumushandirapamwe wavo aive mugwara.

Asi vakasanobata chinzvimbo chemutauriri wekanzuru yeHarare, VaInnocent Ruwende, vuadza Studio 7 kuti chikonzi kana kuti Sheriff ndicho chiri kuputsa dzimba idzi mushure mekunge kanzuru yakunda kumatare panyaya yayakakwidza yekuti vanhu ava vabve panzvimbo iyi.

VaRuwende vanoti vanhu vakapihwa zviziviso zvekuti vabve apa asi havana kuteerera, izvo zvakazoita kuti vaenda kumatare.

VaRuwende vanoti Tengwe ndeimwe yemmishandirapamwe makumi maviri ichaputsirwa dzimba sezvo dzakavakwa zviri kunze kwemutemo.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi. Asi munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana padandemutande ravo reTwitter, vakanyora kuti vanhu havafaniri kushora hurumende nekuti zviri kuitika izvi idanho rakatorwa nekanzuru yeHarare.

Meya veHarare, VaJacob Mafume, vachitaura mushure mekushanyira Budiriro nemutungamiriri webato ravo VaNelson Chamisa nezuro, vakati kanzuru yavo yakaita chisungo chekuti vambomira kuputsa dzimba dzevanhu uye vachaongorora kuti zvakafamba sei.

Vakatiwo vave kutomhanya-mhanya kutsvaga rubatsiro rwekuti vanhu vakaputsirwa dzimba vawane matende nechikafu nyaya yavo ichigadziriswa.

VaChamisa vakati varwadziwa zvikuru nezvakaitwa izvi vachiti zvinosuwisa kuona vana vacheche nevaberekti vachinayiwa nemvura nekuda kwekuti vakaputsirwa dzimba.

Vakati hurumende nekanzuru zvinofanira kugadzirisa nyaya iyi nekukasika.

VaRuwende vaudza Studio 7 kuti munhu asati atenga sitendi anofanira kuenda kukanzuru kuti zvionekwe kuti munhu ari kutengesa sitendi ndiye muridzi wayo here kana kuti kwete.

Vanoti kanzuru inogara ichiudza vanhu ruzivo urwu asi ivo vanoisa zvitanda munzeve izvo zvinopedzesera zvavapinza munyatwa sezvakaitika kuBudiriro.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwebasa mudunhu reHarare kana kuti Provincial Development Co-ordinator, VaTafadzwa Muguti, vakazivisa nguva pfupi yapfuura kuti vese vakavaka dzimba panzvimbo dzisingabvumidzwe vachaputsirwa dzimba idzi uye vakati vachatanga neHarare neChitungwiza.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG