Accessibility links

Breaking News

Bato reCitizens Coalition for Change Rotadza Kugadzirisa Dambudziko reVachakwikwidza Vaviri muWard 4 kuMasvingo


Mutungamiri weCitizens Coalition For Change VaNelson Chamisa

Bato idzva rinopikisa reCitizens Coalition for Change ratadza
kugadzirisa dambudziko raro rekuva nenhengo mbiri dzakanyoresa
kukwikwidza musarudzo dzema by-elections ari kuitwa muWard 4 muMasvingo muna Kurume zvichitevera kuramba kweimwe nhengo kubuda mudariro sezviri kukurudzirwa nehutungamiriri hwebato iri ichiti yakabirirwa.

Vakuru vebato iri vaitungamiriwa nemunyori mukuru weCCC, VaCharlton
Hwende, vakashanyira wadhi iyi nemusi weChipiri pakadzokororwa kusarudzwa kwemumiriri mumwe vakasiya vagadzika VaAleck Tabe.

Asi Mai Thokozile Muchuchuti, avo vakanzi vakakundwa, vakaramba
kusiira mukana vaTabe vachiti vakabirirwa nekudaro havasi kuzoenda
netsamba kuZimbabwe Electoral Commsssion(ZEC) yekubvisa zita ravo
pabepa rekuvhoterwa.

Izvi zvonerava kuti bato reCCC rinenge rine nhengo mbiri kana
dambudziko iri riakasagadziriswa.
Amai Muchuchuti vaudza Studio 7 kuti havasi kuzobvisa mapepa avo
nekuti vakabirirwa sezvo vachiti vanodiwa nevatsigiri vebato ravo
muWard 4.

Ukuwo, VaTabe, avo vakadzikwa nehutungamiriri hwebato ravo mushure
mekuwana rutsigiro kunhengo dzavo vanoti ndivo vakasarudzwa nevanhu.
VaTabe vakaenderera mberi vachiti mumwe wavo hafaniri kuramba zvinhu
zvakagadziriswa nehutungamiriri kuti bato ravo risazovhiringike
musarudzo.

Mutevedzeri wemutauriri weCCC , VaGift Ostallos Siziba, vatadza
kutipa divi remusangano wavo vachiti tibate VaHwende avo vanga
vasingadairi nharembozha yavo uye vanga vasati vapindura tsambambozha dzedu pataenda pamhepo.

Asi vatsigiri veCCC muMasvingo vari kuchema kuti bato ravo
rikasagadzirisa dambudziko iri wadhi iyi inotorwa nebato rinotonga
reZanu PF irio rakasimba.

Nyaya yebato reCCC ina Godfrey Mutimba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG