Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri Kunze kweNyika Zvoumba Homwe Ichabatsira Musarudzo dza2023


Citizens Action For Change
Citizens Action For Change

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika dzakasiyana siyana, zvakaumba sangano, reCitizen Action For Change, iro zvinoti rinotsvaka mari yekubatsira panguva yesarudzo dza2023.

Mukuru wesangano iri, VaJuma Ulete, vaudza Studio 7 kuti sangano iri rinoda kuona sarudzo dzakachena, naizvozvo mari yavari kuunganidza ichashandiswa mukubatsira kunyoresa vanhu kuti vavhote uye nekuchengetedzwa kwemavhoti panguva yesarudzo.

Citizen Action For Change inoti vanhu vaneta nekubirwa kodzero dzavo nguva dzose panoitwa sarudzo naizvozvo vanoda kuona kuti izvi zvinomiswa, vachiti imwe yemari iyi ichashandiswa kubhadhara vanhu vanochengetedza mavhoti kubva panguva inovhota vanhu kusvika pakuverengwa kwawo.

“Isusu hatina bato ratinoshandira. Tiri zvizvarwa zveZimbabwe. Chatinoda ndechekuti pave nejekerere. Chido chedu ndechesarudzo yakachena kuti vana veZimbabwe vagosarudza zvavanoda kuti vaenderere mberi,” vanodaro VaUlete.

Vakafanobata chigaro chemurongi wemisangano muZanu-PF, VaPatrick Chinamasa, vakaudza vatori venhau mwedzi wapera kuti bato ravo rakaisa ziso raro pabato reMDC Alliance kuona kuti hariwani mari inobva kunze kwenyika inozoshandiswa musarudzo muZimbabwe.

VaUlete vanoti mari yavari kuunganidza ndeyezvizvarwa zveZimbabwe zvinoda kugadzirisa zvunhu munyika yazvo.

Mutaurii weMDC Alliance, Muzvare Fadzai Mahere, vaudza Studio 7 kuti nyaya iyi iri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zvine kodzero yekuita izvi naizvozvo hapana mutemo unovatadzisa kuenderera mberi nebasa ravari kuita iri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG