Accessibility links

Breaking News

Masangano Onyunyutira Hurumende Pamusoro peBhiri Rinobata Mashandiro eMasangano Aya


Rashid Mahiya Heal Zimbabwe
Rashid Mahiya Heal Zimbabwe

Sangano reCrisis In Zimbabwe Coalition raendesa gwaro renyunyuto kuhurumende, paramende, komisheni inoona nezvekuchengetedzwa hwekodzero dzevanhu pamwe nesangano reFinancial Action Taskforce (FATF) richitsutsumwa pamusoro pebhiri rePrivate Voluntary Organisation Amendment Bill iro rinoti rine chinangwa chekudzivirira masangano anoshanda akazvimirira kushandiswa nevanopfurikidza mwero pakushandisa mari pamwe nekuita zvematongerwo enyika.

Mugwaro ravatura kubazi rezvemutemo, bazi rezvekugara zvanakaka kwevanhu, makomisheni eZimbabwe Human Rights, Peace and Reconciliation neGender pamwe neFinancial Action Taskforce, sachigaro weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaRashid Mahiya, vati semaonero avo bhiri iri rinotyora kodzero dzavo uye harifaniri kuenderera mberi.

VaMahiya vati havagutsikane nezvikonzero zviri kupihwa nehurumende zvekuda kushandura mutemo wemashandiro avo.

Bhiri iri, iro rakaburitswa mugwaro rehurumende reGovernment Gazette rinosungira masangano anoshanda akazvimirira kutevedza mitemo yeFATF kuitirakuti asashandiswa nemasangano anopfurikidza mwero pamwe nekuarambidza kuita zvematongerwo enyika.

Asi VaMahiya vati havagutsikane nezvikonzero zviri kupihwa nehurumende vachiti zviri pachena kuti hurumende iri kuda kumbunyikidza mabasa avo.

Vati kana bhiri iri rikapasa kuva mutemo, zvichanganganisa mashandiro emasangano anoshanda akazvimirira sezvo zvichereva kuti hurumende inenge yave kupindira mumashandiro awo zuva nezuva.

VaMahiya vati hurumende handiyo yega inoita mabasa ebudiriro munyika.

Nhengo yebhodhi rePlatform For Youth and Community Development, VaOwen Dhliwayo, vatiwo zvikonzero zvakapihwa nehurumende pakuunza bhiri iri hazvigutsi nekuti hapana masangano anoshanda akazvimirira anoita zvematongerwo enyika.

Vati vanoita mabasa ebuduriro pamwe nekutobatsira hurumende muzvirongwa zvayo zvakasiyana siyana munyika yese.

VaMahiya vati vanyorera kumakomisheni akaita seZimbawe Human Rights Commission nemamwe nekuti kodzero dzavo dziri kutyorwa uye vanoshandawo nemakomisheni aya pabasa ravo.

Vatiwo vanodawo kuti Financial Action Tastforce ikokwe munyika kuti izotsangangura kuti masangano emuZimbabwe ari kushandiswa nematororo here mutemo uyu usati wadzikwa.

Muna 2004 hurumende yakamboedza kushandura mutemo wemashandiro emasangano anoshanda akazvimirira asi vaive mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, havana kuzosaina bhiri racho mushure mekunge rapasa muparamende.

Gore rino mukuru anoona nezvekufambiswa kwebasa mudunhu reHarare, VaTafadzwa Muguti, vakadzika mutemo wekuti masangano ese anoda kushanda muHarare aifanira kutanga aenda nekumahofisi avo izvo zvakarambwa nedare reHigh Court.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende sezvo gurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, vange vasiri kudaira nhare mbozha yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG