Accessibility links

Breaking News

Masangano eMakereke Okurudzira VaMnangagwa Kuita Hurukuro dzeChokwadi neVose Vanovapikisa Munyika


 President Emmerson Mnangagwa
President Emmerson Mnangagwa

Sangano reZimbabwe Council of Churches, kana kuti ZCC, rinoti mapato ezvematongerwo enyika anofanirwa kuia nhaurirano dzechokwadi senzira yekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

Vachitaura semunyarikani pamusangano wepagore weZCC waitirwa padandemutande, Reverend Kennedy Gondongwe, vati vemapato ezvematongerwo enyika vanofanirwa kutaurirana vachipa muenzaniso wekuti kana muchakabvu Ian Smith, avo vakambotonga Zimbabwe ichanzi Rhodesia, vakakwanisa kutaurirana nevanhu vavairwisana navo, vachakabvu VaRobert Mugabe naVaJoshua Nkomo, zvakakosha kuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vataurirane nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, kuitira kuti munyika muve nerunyararo nebudiriro.

Reverend Gondongwe vati zviri pachena kuti zvinhu munyika hazvina kumira zvakanaka munyaya dzezvehupfumi, munyaya dzezvematongerwo enyika vakatiwo huori hwatekeshera nyika yose kunyange paine vari kuti zvinhu zvakanaka munyika.

Mumiriri weWorld Council of Churches muZimbabwe, VaEric Chitando, vati
zvinorwadza kuti Zimbabwe yakasvitsa makore makumi mana ekuzvitonga asi munyika muine nzara, kushaikwa kwemabasa, huori hwemhando yepamusoro, kusafamba zvakanaka munyaya dzedzidzo nezvehutano.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vati vanotambira nemwoyo wese mashoko ataurwa pamusoro penhaurirano, sezvo iri nyaya yavari kugara vakataura nguva dzose.

Studio7 yakundikana kubata vakafanobata chigaro chemutauriri weZanu PF, VaPatrick Chinamasa, sezvo vanga vasiri kubatika panharembozha yavo.

Asi mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vakaudza Studio7 nguva shoma yapfuurakuti hurumende yakakoka mapato ose kuti ataurirane pasi pechirongwa chePolitical Actors Dialogue.

Musangano weZCC wabudawo nechisungo chekuti kana zvichikodzera
vemakereke vatungamire munhaurirano dzinofanirwa kuitwa munyika dzinopindwa nevanhu vose vemunyika, kwete vezvematongerwo enyika chete.

ZCC iri kusarudza hutungamiri hutsva nhasi, asi pataenda pamhepo, izvi zvanga zvisati zvaitwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG