Accessibility links

Breaking News

Makereke Opokana neMashoko aVaGeorge Charamba


George Charamba

Paita kukandirana makobvu nematete pakati pemutauriri wemutungamiri
wenyika, VaGeorge Charamba, nevamwe vakuru vedzisvondo dziri pasi
pemubatanidzwa weZimbabwe Heads of Christian Denominations, CHOCD,
pamusoro pekuti makereke avhurwe asi achibvumidza chete vanhu vakabayiwa nhomba yekudzivirira cherwere cheCovid-19.

Mubatanidzwa weZHOCD, wakazivisa kuti danho rehurumende iri rakanaka asi rinonetsa kutevedzera sezvo kereke isingagone kudzinga vanhu vanenge vauya kuchechi ichivati havana kubayiwa nhomba.

VaCharamba nezuro vakabva vatuka makereke aya padandemutande ravo
reTwitter vachidoma munyori weZHOCD, VaKenneth Mtata, nezita kuti
kuramba kwavo uku kune chekuita nezvematongerwo enyika.

Asi VaMtata vaudza Studio 7 nhasi kuti mashoko aVaCharamba anoratidza
kuti havazive kuti zvinyorwa zveZHOCD zvinonyorwa sei.

VaMtata vati ivo munyori chete asi pfungwa ndedzehutungamiri nemakereke awo.

VaMtata vati havatyi kuti vakadomwa nezita naVaCharamba vachiti semugari wemunyika vakasununguka kutaura zvavanoda
zvinosanganisira zvematongerwo enyika.

Sachigaro wekereke yeEvalengical Fellowship of Zimbabwe, imwe
yemakereke anoumba ZHOCD, Bishop Never Muparutsa, vati mashoko aVaCharamba haana kunaka sezvo VaMtata vanongove munyori.

Bishop Muparutsa vati vachanotaura negurukota rezvehutano uye vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, gurukota
rezvekudzivirirwa kwenyika, Amai Oppah Muchinguri-Kashiri, pamwe nemukuru weNational Covid-19 Taskfore, Dr Agnes Mahomva, pamusoro pedanho rehurumende rekuti vasina kubayiwa nhomba vasabvumidzwe kupinda muchechi.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaCharamba pataenda kumhepo sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi mumwe mugari wemuChinhoyi anopinda chechi yeRoman Catholic,
VaClifford Rusere, vati mutemo unofanirwa kubata munhu wese zvisinei
kuti makereke here kana kuti makambani.

VaRusere vati kana makambani ave kumanikidzirwa kuti vanenge vasina
kubayiwa vasaende kubasa makereke anofanirwa kutevedzerawo izvozvo.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu nhomba mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekuderedza
kutapuriranwa kwechirwere cheCovid-19.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG