Accessibility links

Breaking News

Vemakereke Vanoshora Hurumende Vachirumbidza Vanhu Pazuva Rekuratidzira


Rev Kenneth Mtata
Rev Kenneth Mtata

Masangano anomiririra vemakereke, anosanganisira Zimbabwe Council of Churches neZimbabwe Heads of Christian Denominations, arikurumbidza vanhu zvikuru nekuzvibata kwavakaita pazuva rekuratidzira muHarare vachiti vanhu vakaedza kuzvibata, vachitiza mapurisa pachinhambo chekurwisana navo, kuti pasaita mhirizhonga nekupunzwa kwezvinhu.

Mutauriri wemasangano aya, Mufundisi Kenneth Mtata, vaudza Studio 7 kuti masangano aya anoshora mapurisa pamabatiro avakaita vanhu, vachiti mapurisa ndiwo aitorova vanhu asi vanhu vachiedza kutiza kuti pasaita bongozozo.

Vati mapurisa aifanirwa kuzivisa vanhu nguva ichipo kuti kuratidzira kwarambidzwa asi havana kubudisa mashoko ekurambidzwa kwekuratidzira kusvika hwave husiku.

Asi Mufundisi Mtata vati kunyange hazvo hurumende yakaita izvi pasina svondo mushure memusangano wavakaita naVaChamisa pamusoro penhaurirano naVaMnangagwa, masangano avo haadzokeri shure, vachiti vachaenderera mberi vachitsvaka kubudirira kwemusangano pakati pevaviri ava.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG