Accessibility links

Breaking News

Vemakereke Vanoramba Kuti Vanoshanda Nesangano reCivil Society and Churches Joint Forum


Reverend Doctor Kenneth Mtata
Reverend Doctor Kenneth Mtata

Masangano ezvemakereke, anosanganisira Zimbabwe Council of Churches neZimbabwe Heads of Christian Denominations, arikuramba kuti anehukama nesangano rinonzi Civil Society and Churches Joint Forum, iro rakaparadzira magwaro aiudza vanhu kuti vasashandiswa nebato reMDC vachienda kunoratidzira muguta reMutare.

Magwaro akaparadzirwa aya akange aine zita resangano iri achiti vanhu vanofanirwa kuramba kushandiswa mukuratidzira nekuti Manicaland inoda runyararo. Sangano iri raikurudzira vanhu kushanda pamwe chete kuti dunhu reManicaland ribudirire.

Mamwe masangano akadomwa ne Civil Society and Churches Joint Forum kuti anoshanda nayo anosanganisira Heal Zimbabwe Trust, Zimbabwe National Chamber of Commerce, Transport Operators of Zimbabwe, United Mutare Residents and Ratepayers Trust, nemamwe.

Asi vanotaura vakamiririra Zimbabwe Council of Churches, neZimbabwe Heads of Christian Denominations, Doctor Kenneth Mtata, vaudza Studio 7 kuti sangano iri rakashandisa zita nemufananidzo wesangano ravo zvisina mvumo uye zvakanyorwa pagwaro rakaparadzirwa zvekutuka nekushora kuratidzira hazvina kubva kumasangano avo.

Tatadza kubata mamwe amasangano ari pagwaro iri pamwe chete neCivil Society and Churches Joint Forum asi Zimbabwe Council of Churches neZimbabwe Heads of Christian Denominations vanoti havana hukama nesangano iri vachiti akanyora mazita emasangano avo pagwaro iri akazviita kunze kwemutemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG