Accessibility links

Breaking News

Machechi Okurudzira Vanhu Munyika Kuti Vatsvage Nzira Dzinopedza Matambudziko Ari Munyika Zvisina Kupopotedzana Mukati


Rev Dr Kenneth Mtata
Rev Dr Kenneth Mtata

Sangano remubatanidzwa wemasangano emakereke, reZimbabwe Heads of Christian Denominations (ZHOCD) riri kukokera nhengo dzaro dzemakereke pamwe nevanhuwo zvavo kuti vaongorore zvakadzama kudyidzana kwematambudziko ari mukati munyika paine vavariro yekuti matambudziko aya angagadziriswa sei zvisina mabopoto mukati.

Munyori mukuru werimwe remasangano ari pasi peZHOCD, reZimbabwe Council of Churches, Reverend Kenneth Mtata, vanoti vakaburitsa gwaro rinonzi “National Consensus Call”, iro rinotaura pamusoro pematambudziko aya, uye rine zvinhu zvishanu zvavanoti zvakakosha zvinofanirwa kutarisiswa nezvazvo.

Reverend Mtata vanoti gwaro iri rakatosvitswa kumutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe nevatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika anopikisa.

Studio7 hainakukwanisa kunzwa divi remapato ose anonzi akapihwa gwaro iri.

Tabata Reverend Mtata kuti tinzwe zvizhinji pamusoro pegwaro iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG