Accessibility links

Breaking News

Makereke Anoti Acharamba Achitsvaga Nzira Dzekuti VaMnangagwa naVaChamisa Vataurirane


Zimbabwe Council Of Churches
Zimbabwe Council Of Churches

Vemakereke muZimbabwe vanoti hurongwa hwavo hwekuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vaite hurukuro dzekuti nyika yotora gwara ripi, huri kuenderera mberi.

Munyori wesangano remakereke, reZimbabwe Council of Churches, Reverend Doctor Kenneth Mtata, vanoti kunyange hazvo bato reMDC riri pakati pekugadzirira kongiresi yaro, hurukuro idzi dziri kuenderera mberi.

“Tinotarisira kuti panguva inotevera kana zvinhu zvagadzikana tinoziva kuti mamwe mapato ange ane kongiresi yavo irikuuya tinotarisira kuti kana kongiresi yavo yapera pamwe tingatsvaka nzira yekuti mapato ese avepo patafura panyaya yekutsvaka nzira inofanirwa kutorwa nenyika,” Doctor Mtata vaudza Studio 7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi mune zvematogero enyika vachidzidzisa pa University of Pretoria School of Public Management and Administration kuSouth Africa, uye vari nhengo yeMDC, Doctor Tyanai Masiya, vanoti vemakereke havangakwanisi kuyananisa vakuru vemapato vari kunetsana nekuti vakuru vemakereke vanoonekwa sevakarerekera kudivi reZanu-PF.

Doctor Masiya vanoti SADC neAfrican Union dzinofanirwa kusheedzwa kuti dzivewo pakati pevayananisi.

“Masangano eSADC neAfrican Union anofanira kuudzwavo. Kana vasimo munhaurirano idzi, hazvigone kuti zvifambe,: Doctor Masiya vakaudza Studio 7.

Bato reMDC riri kuramba kutambira VaMnangagwa semutunagmiriri wenyika richiti havana kusarudzwa nevanhu kunyznge hazvo dare reConstitutional Court rakati ndivo vakakunda musarudzo.

Ukuwo VaMnangagwa vari kuramba vakatsika madziro vachiti MDC inofanirwa kuvacherechedza semutungamiri wenyika kana ichida kuti paite nhaurirano.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG